Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu 08 Chikunguru, 2022


Misoro yenhau.
Misoro yenhau.

Bato reCitizens’ Colaition for Change rokurudzira nvatsigiri varo kuti vapfeke nhumbi dzeruvara rwe yellow nhasi senzira yekumira nenhengo gumi nenhatu dziri muhusungwa dzinosanganisira VaJob Sikhala naVaGodfrey Sithole.

Sangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe ARTUZ, roronga munamato wanhasi manheru zvichitevera kusungwa kwemunyori waro, VaRobson Chere pamwe nemutungamiri wesangano iri, VaObert Masaraure, avo vari kupomerwa mhosva yekuponda VaRoy Issa.

Imwe zvakare kambani yekuChina, Dinson Iron and Steel Company, inopomerwa mhosva yekusabhadhara vashandi mihoro inokodzera, pasina kana masvondo maviri imwe kambani yekuChina zvakare, Afrochine, yanzi nesangano reITCU inotyora kodzero dzevashandi zvakanyanya muZimbabwe,

Hurumende yeAngola inoti vaimbove mutungamiri wenyika, VaJosé Eduardo dos Santos vashaya vari mune imwe kirinika mu Barcelona, kuSpain mushure mekurwara.

Vaimbove mutungamiri wehurumende yeJapan, VaShinzo Abe, vapfurwa ndokufa nhasi apo vanga vachitaura pamusangano wekutsvaga rutsigiro rwebato ravo kumawirira kweJapan. Nhepfenyuro yehurumende yeNHK yazivisa kuti mushure mekupfurwa, VaAbe vatakurwa kuenda kuchipatara uko vazonoshaira.

Vamwe varimi mudunhu reMashonaland West vochemachema nekutorerwa kwavari kuitwa chibage chavo nevashandi veGrain Marketing Board, GMB, vakabatana nemapurisa vachinzi vari kutengesa chibage kune vanotenga vakazvimiririra kana kuti makoronyera, zvisingabvumirwe nemutemo.

Muchirongwa chedu che LiveTalk na8pm, tiri kutarisa nezvemutauro wasimudzwa zvichitevera kutoreswa mhiko kwemamwe makomishina neZEC nezuro. Tichakurukurawo nezvehurongwa hwehurumende hwekuda kuwedzera mari dzinopiwa masabhuku nemadzishe pamberi pesarudzo dza2023.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG