Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orova neKukuvadza Mutori weNhau muHarare


Masangano evatori venhau anoti reMISA Zimbabwe nereNational Association of Freelance Journalists ari kushora zvikuru kurohwa nekusungwa nemapurisa kwemutori wenhau anyway yotamu muHarare nhasi.

Yotamu anoshanda akazvimirira, anonzi arohwa paange achitora vhidhiyo yekunetsana kwevecity park nevamwe vanoita basa iri zvisiri pamutemo. Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi sezvo nharembozha yemutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi yange isiri kudairwa.

Asi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanogara havo vachiti bazi ravo riri kuyedza kuti kodzero dzevatori venhau dziremekedzwe.

Mukuru weMISA- Zimbabwe VaTabani Moyo vaudza Studio 7 kuti vave kuona huwandu hwevatori venhau vari kushungurudzwa nemapurisa huchiwedzera sezvinowanzoitika nguva dzose nyika painenge yatarisana nesarudzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG