Accessibility links

Breaking News

Vari Kugara Pedyo nePakavakwa Paramende Itsva Votya Kudzingwa Vasina Chekubata


Paramende itsva yeZimbabwe kuMt Hampden
Paramende itsva yeZimbabwe kuMt Hampden

Vamwe vanhu vari kuMt Hampden pedyo nekwakavakwa dare reparamende idzva neChina vanoti vave kutya kutamiswa vasina chouviri chavanopihwa nehurumende.

Mumwe wevari kutyira kubviswa ndiAmai Ruramai Gate vaudza Studio 7 kuti kuvakwa kweparamende kwave kutovaunzira matambudziko ekumanikidzwa kubva padzimba dzavo.

Mumwe ari kutyira kudzingwa ndiVaTonderai Mungani avo vave nemakore makumi mana vagere panzimbo iyi. Vatiwo havana kwekuenda nekudaro vanofanirwa kuwanirwa imwe nzvimbo yekugara inemba.

Mumwe mugari ane magwaro ehugari kana kuti matitle deeds VaMisheck Marere vanoti vakaudzwa nevashandi vebazi rematunhu kuti nzvimbo yavagere ichavakirwa dzimba dzevane mari nekudaro vachatamiswa asi hapana nguva yakatarwa.

VaMarere vanoti havana dambudziko nazvo asi vanoti vanofanirwa kuwaniswa imba uye mari inokodzerana nzvimbo iyi sezvo mutengo wenzvimbo iyi wakwira nekuda kweparamende itsva.

Mutevedzeri wegurukota rezvematunhu Amai Marian Chombo vabvuma kuti pane hurongwa hwekubvisa vamwe vanhu asi vanoti zvichanyatso onekwa kana hurongwa hwenzvimbo kana kuti master plan yabuda.

Amai Chombo vanoti pane mapoka evanhu vakasiyana siyana kusanganisira varimi vakagariswa patsva uye vamwe vakatenga nzvimbo dzekugara.

Hatina kukwanisa kunzwa kuna VaLangton Gatsi mumwe mukuru wekereke yeOne Way Ministry avo vane nzvimbo yakatengwa ikavakirwa paramende itsva kuti vakapihwa mari yakavagutsa here.

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidzawo kuti pakatanga kuvakwa paramende pakaita kutengeserana kwenzvimbo dziri pedyo neparemende kwakanyanya.

Zvimwe zvizvarwa zvekune dzimwe nyika kunyanya zvekuChina neDubai zvinonzi zvakatenga nzvimbo dzakakura. Hurumende ine nhoroondo hayo yekutadza kubhadhara vanhu vainenge yatamisa sezvakaitika kwaMarange uye kuChingwizi.

Bepanhau reChina Morning Post rinoti paramende iyi yakabakwa nemari inosvika mamiriyoni zana nemakumi mana kana kuti 140 million US Dollars. Inogara vanhu mazana matanhatu nemakumi mashanu uye yakavakwa nekambani yeShangai Construction Group nemari yakabva kuhurumende yeChina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG