Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru, 06, 2022 


Shona Headlines
Shona Headlines

Mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi vanoti kuoma kwehupenyu muZimbabwe kwakonzerwa nezvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika kwave kupa kuti zvizvarwa zvenyika iyi zvirarame nekuba munyika yavo.

Vamwe vanhu vari kuMt Hampden pedyo nekwakavakwa dare reparamende idzva neChina vanoti vave kutya kutamiswa vasina chouviri chavanopihwa nehurumende.

Mutungamiri werimwe sangano revadzidzisi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vanoti vari kukatyamadzwa kuti sei mapurisa eLaw and Order kwete eHomicide ari iwo ari kuferefeta nyaya yekuponda yavari kupomerwa nevamwe vatungamiri vesangano ravo. Vari kuramba mhosva iyi.

African Union yotumira munyarikani wayo panyaya dzekuroodzwa kwevana vasati vabvazera kuZimbabwe.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro nechizvarwa cheZimbabwe, VaTino Mambeu, vanove nyanzvi munyaya dzemhando dzemoto wezuva pamwe nemhepo, kana kuti solar and wind energy vachishanda vari kuSouth Africa.

Muchirongwa chevechidiki cheLive Talk-Diaspora Forum na8 pm nhasi, tiri kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nedanho reReserve Bank of Zimbabwe rekuparura mari yendarama inenge iine goridhe mukupera kwemwedzi senzira yekuti vanhu vachengetedze pfuma yavo. Izvi zvakonzerwa nekushaya simba kwedhora remunyika iro vakawanda voshaya chivimbo naro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG