Accessibility links

Breaking News

VaRobson Chere VeARTUZ  Vopomerwawo Mhosva yeKuponda Muna 2016


Munyori mukuru weArtiz VaRobson Chere 

Munyori mukuru werimwe sangano revadzidzisi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaRobson Chere vasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuponda imwe nhengo yesangano iri VaRoy Issa muna 2016 nevamwe vanonzi nemapurisa vachiri kutsvagwa.

VaChere vri kuramba mhosva iyi. Dare ramejasitiriti rakamboita tsvakiridzo rikati mushakabvu ainge adonha kubva mukamuri yechinomwe paJameson Hotel muHarare asina kupondwa.

Asi mapurisa anoti ave nehumwe humbowo. Kusungwa kwenhengo dzeARTUZ uku kuri kushorwa zvikuru nevanorwira kodzero dzevanhu vachiti kuvashungurudza.

Mutungamiri weARTUZ VaObert Masaraure vakambosungirwawo mhosva iyi vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso vaudza Studio 7 kuti VaChere vasungwa vaenda kumapurisa pamwe negwete ravo Amai Beatrice Mtetwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG