Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chipiri, Chikunguru, 05, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Munyori omukuru werimwe sangano revadzidzisi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaRobson Chere vosungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuponda. Asi vari kuramba mhosva iyi.

Nhengo dzedare reparamende dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaJob Sikhala naVaGodfrey Sithole dzoramba dziri mutirongo sezvo vachuchusi vehurumende vari kuti havasati vapedza kuzeya nezvechikumbiro chavo chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso. Imwe nhengo yebato iri VaAmos Chibaya vopomerwawo mhosva yekuita musangano pasina mvumo yemapurisa.

Vagari vekuMasvingo vokatyamadzwa nemari dzemitero dzavari kunzi vabhadhare dziri kuiswa pachikero chemari yekuAmerica.

oReserve Bank of Zimbabwe yoparura mari yendarama inenge iine goridhe mukupera kwemwedzi senzira yekuti vanhu vachengetedze pfuma yavo. Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kuteya nzou neriva.

Vamwe vashandi vehurumende vanoti vari kuzokanda mapadza pasi mukati memavhiki maviri kana hurumende ikasavabhadhara nemadhora ekuAmerica.

Kubva pakaturwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnagagwa mutemo wechimbichimbi unobvumidza kushandiswa kwemari yekunze pamwe neyemunyika, we Statutory Instrument 118A Presidential Powers (Temporary Measures) (Amendment of Exchange Control Act) Regulations 2022, vamwe vezvitoro nevemisika vanonzi vakatotanga kutara mitengo yezvitengeswa zvavo vachishandisa mari yekuAmerica uye havachabvuma kutambira dhora remunyika.o

Muchirongwa chevechidiki cheThe Connection na 8 pm nhasi, Ntungamili Nkomo weStudio 7 ari kuita hurukuro nevechidiki vemuZimbabwe vari muchirongwa cheMandela Washington Fellowship kana kuti YALI avo vave kupeta zvidzidzo zvavo muzvikoro zvepamusoro soro muAmerica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG