Accessibility links

Breaking News

America neMuvhuro Yopemberera Makore Mazana Maviri neMakumi Mana neMatanhatu Yawana Kuzvitonga Kubva kuBritain


Zvizvarwa zveAmerica zvinopemberera zuva rerusununguko rwazvo musi wa04 Chikunguru nenzira dzakasiyanasiyana.
Zvizvarwa zveAmerica zvinopemberera zuva rerusununguko rwazvo musi wa04 Chikunguru nenzira dzakasiyanasiyana.

Zvizvarwa zveAmerica neMuvhuro zviri kupemberera makore mazana maviri nemakumi mana nematanhatu, 246, nyika yazvo yawana kuzvitonga kubva kuBritain. Vazhinji munyika iyi vanoungana munzvimbo dzakasiyanasiyana nekubatana vachipemberera zuva iri nenzira, zvisineyi nekuti ndeveganda ripi kana kuti ndeve vebato ripi rezvematongerwo enyika. Izvi zvinonzi nemutungamiri webato rinopikisa muZimbabwe, rePatriotic Zimbabweans, VaCharles Muchineripi Mutama, avo vari mudunhu reMaryland muAmerica, chinhu chakakosha zvikuru chekuti vana venyika imwe vanobatana pazuva rekuzvitonga. VaMutama vanoti vana veZimbabwe vanofanirwawo kukopa zviri kuitwa nevana veAmerica izvi, vosendeka kupesana kwavo vachisimudza mureza wenyika vari pamwechete. Asi VaMutama vanoti America inofanirwawo kuzvininipisa yodzidzawo zvimwe zvaisingagone kubva kune dzimwewo nyika dzakawanawo kuzvitonga, kwete kuti iite sekunge ndiyo mukuru wenyika dzose. America yakawana kuzvitonga musi wa 04 Chikunguru 1776.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG