Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeZimbabwe yeKusaremekedza Kodzero dzeVanhu Yotsviriridza kuMusangano weKodzero dzeVanhu weUN Human Rights Council kuGeneva


Amai Michelle Bachelet veUnited Nations
Amai Michelle Bachelet veUnited Nations

Nyaya yeZimbabwe yekusaremekedza kodzero dzevanhu inonzi yakatsviriridza kumusangano wekodzero dzevanhu wechimakumi mashanu weUnited Nations Human Rights Council uri kuitirwa kuGeneva kuSwitzerland.

Zimbabwe inonzi yakatarirwa neUnited Nations kuti izadzise kurudziro dzinosvika mazana maviri nemakumi matanhatu neina, 264, asi iyo inonzi yakangotambira kurudziro zana nemakumi maviri nenomwe, 127 chete.

Asi gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanonzi vakazivisa musangano uyu kuti nyika yavo yatsigira kurudziro zana nemakumi matanhatu nesere kubva pane zvavakakomekedzwa neUnited Nations.

Zimbabwe inonzi iri kutyora kodzero dzevanhu kuburikidza nekumbunyikidza vanhu vanenge vachida kuungana, kusungwa kwevanopikisa pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu, uye bhiri rePrivate Voluntary Organisation (PVO) rinonziwo nemamwe masangano ari kupindawo musangano uyu, richambunyikidza mashandiro emasangano akazvimirira.

Hatina kukwanisa kubata gurukota VaZiyambi sezvo nhare yavo yanga isiri kudairwa. Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure, vanoti ichokwadi kuti kodzero dzevanhu dziri kutyorwa uye hurumende haisi kuda kutora matanho ari kukurudzirwa neUnited nations.

Asi nhengo yeZanu PF vari gweta, VaSimba Mavaza, vanoti Zimbabwe haimanikidzwe kutambira zviga zvinoityorerawo kodzero yayo senyika.

Musangano uyu wakatanga musi wa 13 Chumi uye unopetwa musi wa 06 Chikunguru.

UN HUMAN RIGHTS-MASARAURE-JONGA SHO 03 JULY 2022.mp3
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naDoctor Masimba Mavaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG