Accessibility links

Breaking News

Kuderera kweCovid-19 Pasi Rose Kwobatsira muKumutsiridza Boka reKushanyirwa kweNyika


Imwe yenzvimbo dzine mukurumbira dzekushanyira mapopoma eVictoria Falls.
Imwe yenzvimbo dzine mukurumbira dzekushanyira mapopoma eVictoria Falls.

Apo kutekeshera kwedenda reCovid-19 kwave kuita kuchiderera, kushanyirwa kwenzvimbo dzinoyevedza munyika kunonzi kwave kusimukira zvekare kuchinyanyosimudzirwa nekushanya kwave kuita vanhu vemunyika kunzvimbo dzekushanyira dzakasiyana-siyana dzemunyika.

Asi kuveko kwehondo pakati peRussia neUkraine kunonziwo kuri kuvhiringidzawo chikamu chekushanyirwa kwenyika.

Vachitaura kuStudio 7 mushure memusangano wavakaita nevatapi venhau muBulawayo nezuro, VaClement Mukwasi, avo vanove mutungamiri wemubatanidzwa wevashandirwi vari muboka rezvekushanyirwa kwenyika, weEmployers Association of the Tourism and Safari Operators, vakati maonero avo ndeekuti mabasa ezvekushanya ave kusimukira zvekare mushure mekumbovhiringidzwa nekuveko kwedenda reCovid-19.

VaMukwasi vakati kushanya kwevanhu vemuno munyika kuri kubatsira kusimudzira mabasa ekushanya asi vakabvuma kuti mitengo inobhadhariswa nevemabhizimisi ezvekushanya yakati kwirireyi zvakanyanya izvo zvinoita kuti vakawanda vasakwanisa kushanyira nzvimbo dzakawanda dzinoyevedza dzemunyika.

VaMukwasi vakati kuveko kwehondo pakati penyika dzeRussia neUkraine, uko kwakonzera kusagadzikana kwehupfumi hwenyika dzepasi rose, kuri kuvhiringidzawo nyaya dzekushanyirwa kwenyika nedzimwe nzira.

Taedza kunzwa kugurukota rezvemamiriro ekunze nezvekushanya, VaMangaliso Ndlovu, asi vati vange vasingakwanise kutaura nesu nekuti vange vari parwendo.

Taedzawo kunzwa kubva kumukuru weZimbabwe Tourism Authority, VaGivemore Chidzidzi, asi vati vange vari mumusangano.

Panyaya yekuti kuve kwemapopoma eVictoria Falls pasi peUnesco World Heritage Site hakuvhiringidzwe here nekuvakwa kuri kuramba kuchiita mabhizimisi akaita semahotera mudhorobha rine mapopoma aya reVictoria Falls, VaMukwasi vakati sangano ravo nevamwe vari mubhizimisi rekushanyirwa kwenyika vari kuita zvose zvavanogona vachishanda nehurumende kuti mapopoma arambe akachengetedzeka.

VaEmmanuel Fundira mukuru wesangano reSafari Operators Association of Zimbabwe. VaFundira vabvumawo kuti kuwedzera kwekushanya kwevanhu vemunyika kuri kubatsira kusimudzira mabasa ekushanya vakati zvakakosha kuti kurambe kuchikurudzirwa.

VaFundira vatsigirawo maonero ekuti kuve nebazi rimwe rinoita zvekupa marezinesi kune vemabhizimisi ezvekushanya kuitira kuti varerukirwe nemabasa avo.

Kushanya ndechimwe chezvikamu zvehupfumi zvakakosha zvinounza mari yekunze yakawanda munyika pamwe chete nekurima nezvezvicherwa.

Asi nekuda kwedenda reCovid-19, kushanyirwa kwenyika nevanobva kunze kunonzi nebazi rezvekushanyirwa kwenyika kwakadzikira nezvikamu makumi mana kubva muzana mugore rapera ra 2021.

Vanhu vanosvika zviuru mazana matatu nemakumi manomwe nezvishanu zvine mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nevampfumbamwe, kana kuti 375,799, vari ivo chete vakapinda munyika gore rapera, kubva pavanhu zviuru mazana matanhatu nemakumi matatu zvine mazana matatu nemakumi matanhatu mevapfumbamwe, kana kuti 630,369 vakashanyira nyika muna 2020.

Boka reTourism Satellite Account (TSA), iro rinopima hupfumi hunoiswa munyika kubva mukushanyirwa kwenyika rakazivisa kuti muna 2019 boka rekushanyirwa kwenyika rakaisa zvikamu zvitanhatu nezviga zvitatu kubva muzana kana kuti 6.3 percent yemari yakawanikwa nenyika richiisa US$1.23 billion.

Nyaya yekushanyirwa kwenyika ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG