Accessibility links

Breaking News

Kudhura kweZvekutakurisa Kwotadzisa Vamwe Varimi Kuendesa Zvirimwa Zvavo kuGMB


GMB MASHWEST
GMB MASHWEST

Vamwe varimi vanoti vari kutadza kutengesa zvirimwa zvavo kuGrain Marketing Board-GMB, nekuda kwekudhura kwavanoti kuri kuita motokari dzekutakurisa zvirimwa izvi.

Mumwe murimi webhinzi anoti ari kutadza kuendesa bhinzi rake kudhepoti reGMB kuBanket ndiVaKingstone Mujeri.

VaMujeri vanoti vedzimotokari vari kuda madhora maviri ekuAmerica kutakura saga rimwechete, mari yavanoti vanenge vasina.

VaMujeri vanoti vari kutadzawo kutengesa chibage chavo vachinzi chibage chavo chichiri chinyoro.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe murimi wekuTrelawney mudunhu reZvimba, VaTakunda Maphosa, avo vanotiwo zvakare mari yavo yemaringazuva kana kuti ma sunflower avakaendesa kuGMB mwedzi wapera haisati yauya.

VaMaphosa vanoti kana mari yezvimwe zvirimwa zvinorimwa nevashoma ichinonoka vanoti mari dzichanyanya kunonoka kana varimi vakawanda vave kuendesa chibage.

Mumwe murimi, VaOnias Mawadza, vanoti mari dzekuAmerica dzakavimbiswa neGMB hadzisi kubhadharwawo nenguva kunyange vakamanikidzwa kuvhura maakaundi emari dzekuAmerica kana kuti Nostro Accounts.

Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union of Zimbabwe, Amai Maiwepi Jiti, vanoti dambudziko rekudhura kwekutakurisa zvirimwa rakatekeshera nyika yose zvisineyi nekuti GMB yakavhura madhepoti madiki munzvimbo dziri kure.

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidzawo kuti michina yekuomesa chibage yakaiswa mumadhepoti eGMB mudunhu reMashonaland West haina kumbobvira yashanda.

Patabvunza kuti sei mari dzevarimi dziri kunonoka kuuya asi vakavimbisa kubhadhara varimi mumazuva maviri, uye kuti sei michina iyi yakauya isingashande uye yakaita marii, mutauriri weGMB VaNixon Kanyemba vanoti vanga vasati vapihwa mvumo yekupindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo kunyange vati mhinduro dzavainge vakagadzira dzichiri kuvakuru veGMB.

Gurukota redunhu reMashonaland West, Amai Mary Mliswa-Chikoka, vakabvuma kuti migwagwa haisi kugadzirwa nemakanzuru kunyange vari kupihwa mari nebazi reZimbabwe National Road Authority -ZINARA-pavakaita musangano nevakuru vemakanzuru muna Kubvumbi gore rino.

Amai Mliswa-Chikoka vanoti kusagadzirwa kwemigwagwa kunoita kuti mari dzekufambisa nekutakurwa kwezvirimwa kudhure.

Asi makanzuru anoti mari yekugadzira migwagwa inouya nguva yapera uye inouya iri mari yemabhondi emunyika asi vanogadzira migwagwa vachida kubhadharwa nemadhora ekuAmerica.

Nyaya yekutakurwa kwezvirimwa ina Nunurai Jena
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG