Mhuri yemutambo werugby ine chivimbo chekuti Zimbabwe inokunda mumutambo wanhasi manheru apo iri kusangana neIvory Coast mukota fainari ye2022 Africa Cup, uyo uri kushandiswa zvekare senzira yekuenda kuWorld Cup ya2023.
Kwasara awa nemaminitsi anoraudzira kuti chikwata cheZimbabwe chipinde munhandare yeStade Pierrie Delort Stadium, muMarseille, kunyika yeFrance, mumutambo wekota fainari ye2022 Rugby Africa Cup neIvory Coast.
Vateveri vechikwata ichi vane chivimbo chekuti Zimbabwe inokunda mumutambo uyu kuti ichenese nzira yayo yekuenda kumakundano e2023 World Cup.
Zvikwata zvisere zvemutambo uyu muAfrica zvakaungana muFrance kurwira mukombe weAfrica Cup, vanotora mukombe uyu vachiwana tikiti rekuenda ku 2023 World Cup.
Zimbabwe iri kupinda mumutambo neIvory Coast iine manyawi mushure mekurova Netherlands 30-7 mumutambo wekuedzana masimba svondo rapera.
Murairidzi wechikwata cheOld Hararians Derrick Chiwara anoti hapana chinotadzisa Zimbabwe kukunda mushure megadziriro yakasimba yemutambo uyu.
MaSables anga ari mukamba kubva munaKurume apo vaigadzirira vari muSouth Africa umo vakatamba zvekare mumakundano eCurrie Cup Division One.
Chiwara anoti vatambi veZimbabwe vanofanira kutevera hurongwa kana kuti game plan yemurairidzi wavo Brendon Dawson kuti vabudirire sezvirikutarisirwa.
Mutungamiri weZimbabwe Rugby, VaAaron Jani, vanoti mutambo uyu unenge wakaoma asi pakugumisira vari kuona Zimbabwe ichikunda.
VaJani vari kukurudzira kuti vatambi vaite nepese pavanogona vachiziva kuti nyika yese iri kutarisira chinhu chimwechete kubva kwavari, chinove kukunda.
Pari zvino, Zimbabwe iri pachinhanho chemakumi maviri nenomwe pasi rese, Ivory Coast iri pachinzvimbo chemakumi mana nembiri.
Asi mumwe murairidzi wemutambo uyu, Edmore Muthetwa, anoti Zimbabwe haifanire kutarisa zvese izvi nekuti mukudheerera ndimo munobuda kurohwa.
Zimbabwe, iyo irikutungamirwa naHilton Mudariki, iri kutarisira mashiripiti kubva kuvatambi vayo vanosanganisira Viktor Mupunga, Shayne Makombe, Mathew McNab, Takudzwa Chieza naTapiwa Mafura.
Zimbabwe ikakunda Ivory Coast ichasangana muma semi fainari nechikwata chichakundawo pamutambo weNamibia neBurkina Faso.
Zimbabwe yakapedzisira kuenda kuWorld Cup muna 1991 mushure mekumbomirira Africa zvekare muna 1987.
Totarisa mutambo wenhabvu…..
Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League iriko svondo rino yakamira seizvi….
Mugovera;
ZPC Kariba vs Yadah - Nyamhunga
Black Rhinos vs Herentals -Vengere
Harare City v Caps United - NSS
Chicken Inn v FC Platinum - Luveve
Nesvondo;
Ngezi Platinum vs Highlanders - Luveve
Dynamos vs Triangle - Rufaro
Byo Chiefs vs Cranbourne Bullets - Luveve
Manica Diamonds vs Byo City - Sakubva
Hwahwa v Tenax - Ascot.
Facebook Forum