Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe, Amai Faustina Chitura, Vosimudza Mureza weNyika Kuburikidza neKurima Kune Mukurumbira muAmerica


Chizvarwa cheZimbabwe vari murimi ane mukurumbira muSan Diego kuCalifornia, muAmerica, Amai Faustina Chitura,
Chizvarwa cheZimbabwe vari murimi ane mukurumbira muSan Diego kuCalifornia, muAmerica, Amai Faustina Chitura,

Chizvarwa cheZimbabwe vari murimi ane mukurumbira, Amai Faustina Chitura, vari kushura mare mukutamba nevhu muSan Diego mudunhu reCalifornia muAmerica, uko vari kurima chibage, michero pamwe nemiriwo yekasiyanasiyana, kusanganisira yekumusha, vashingashandise mafotereza kana mishonga yekuuraya twumbuyu.

Amai Chitura vanoti vakaberekwa mumhuri yekwa Chidembo ku Area D, kuMudzi vakazoroorwa kwaRusape kuNyazura.

Vanoti havana kuenda kuchikoro chekudzidza zvehurimi, asi kuti hunyanzvi hwavo hwese inhaka yavakasiirwa nevabereki vavo, avo vavanoti vairima zvikuru kwakare kuMudzi.

Pari zvino vane maeka matanhatu avari kurima kuSan Diego ikoko ayo vakakumbirawo kune vanamuzvinapurazi.

“Ndakafamba ndichigogodza mudzimba dzevanhu. Ndaigogodza, kuti gugugu chaiko pa door kuti ndokumbirawo kushandisa munda wenyu. Wonzwa pamwe hatina mvura, hatina mvura, ndoenda ndichingotarisa vanhu vane mayadhi mahombe,” Vanodaro Amai Chitura.

Vakuru vanoti sango rinopa waneta. Mukugumisira vakazowanawo mumwe murimi akavapa maeka mana ekuti vashandise, hukama hwavo nevhu huchibva hwangotanga. Kuburikidza nembiri yavo yekutamba nebadza, vakazowana zvakaremumwe muzvinamunda aienda kuSpain uyo akavasiira mamwe maeka maviri ayo avave kurima pamusoro pemana avagara vachirima.

Amai Chitura, avo vanoti vakatanga zvekurima muAmerica muna 2013, vanoti kwekutengesera zvirimwa zvavo harisi dambudziko sezvo misika izere.

Vanotengesa zvirimwa zvavo pasi pezita rekuti “Hukama Produce,” uye vanobatsirawo mhuri dzinoshaya dzavanopawo zvimwe zvezvavanorima kuburikidza nemubatanidzwa wavakaita nevamwe varimi vemunharaunda mavo.

Vanoti nekuona pundutso inobva muvhu, mwanasikana wavo akatosiyawo basa rake raakadzidzira rezvemari achipindawo mukurima pamwe nemurume wake.

Shoko ravo kune vana veZimbabwe vari kumativi mana enyika, “Kwese kwaunenge uri hazvina basa kuti uri munyika ipi, be proud of yourself. Kana kumba waiita zvimwe zvinhu zvawaifunga kuti zvinonyadzisa, hazvinyadzisi. Ingokondinya uchiita zvawaiita izvozvo,” vanodaro Amai Chitura.

Hurukuro naAmai Faustina Chitura
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG