Accessibility links

Breaking News

VaMasaraure Voburitswa Mujeri Asi VaSikhala naVaSithole Vachiramba Varimo


VaObert Masaraure
VaObert Masaraure

VaDare repamusoro nemusi weChitatu rakapa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kumutungamiri wesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, avo vari kupomerwa mhosva yekuponda.

Mutongi wedare repamusoro, VaMunamato Mutevedzi, vakati VaMasaraure vazvipire ku mapurisa kamwe chete pasvondo, vasiye magwaro avo ekufambisa kudare uye vabhadhare mari inoita zviuru makumi matanhatu zvemadhora semari yechibatiso.

Mumutongo wavo, VaMutevedzi vakati hapana humbowo hwakasvitswa kudare nehurumende hunoratidza kuti VaMasaraure havazomirira kutongwa kana vakapihwa mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo.

Rimwe remagweta aVaMasaraure, VaDoug Coltart, vakatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare.

Mutevedzeri wemutungamiri weArtuz, Amai Christine Kayumba, vati vafara nemutongo waterwa nedare kunyange hazvo vachiti VaMasaraure vari kushungurudzwa nehurumende.

VaMasaraure vari kupomerwa mhosva yekunzi vakaponda VaRoy Issa paJameson Hotel muna 2016 asi vari kuramba mhosva iyi vachiti vakanga vasipo pakadonha munhu uyu kubva mu7th Floor yehotera iyi.

Mune imwe nyaya yanga iri mumatare, nhengo mbiri dzeparamende dzebato reCitizens Coalition for Change, VaJob Sikhala naVaGodfrey Sithole vacharamba vari mujeri vakamirira kuti chikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva chinzwikwe. Izvi zvinouya mushure mekunge dare repamusoro rati rinoda kuona magwaro emafambiro akaita nyaya yavo kudare ramejasitiriti kana kuti record of proceedings.

Rimwe remagweta ari kumirira vaviri ava uye vachishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaPaidamoyo Saurombe, vati havazivi kuti magwaro ari kudiwa nedare aya achawanikwa rinhi.

VaSikhala naVaSithole vari kupomerwa mhosva yekurudzira vatsigiri vebato ravo kuti vaite zvemhirizhonga kuNyatsime kuChitungwiza zvichitevera kupambwa kwakaitwa nhengo yebato ravo Muzvare Moreblessing Ali avo vakazowanikwa kuBeatrice vakakandwa mutsime muri hi wavo wakadamburwa nepakati wave kuora.

Pane imwewo nyaya, kanzuru yeHarare neChitatu yakapwanya misika yevanhu mumusha weMbare zvinonzi zvaita kuti vanhu vakawanda varasikirwe nemudziyo yavo.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wekanzuru yeHarare, VaInnocent Ruwende, vati havana chavari kuziva nezvenyaya iyi sezvo vati vari kuPoland kwavari kupinda musangano weDurban Forum.

Vakafanobata chigaro chemunyori wekanzuru yeHarare, kana kuti Acting Town Clerk, Engineer Norman Karidza, vanga vasiri kudaira nharembozha yavo uye vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira.

Zvaitwa nekanzuru yeHarare zvinouya apo dare repamusoro rakatura mutongo wekuti makanzuru haafanire kupwanyira vanhu zvivakwa zvavo asina kupihwa mvumo nematare edzimhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG