Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu, Chikumi 29, 2022


Mutungamiri werimwe sangano revadzidzisi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare repamusoro pamhosva yekuponda yavari kupomerwa asi vachiramba.

Kambani yekuChina iri muZimbawe yeAfrochine Smelters inonzi nesangano guru revashandi reInternational Trade Union Confederation rinomirira vashandi vanodarika mamiriyoni mazana maviri kana kuti 200 million munyika zana nemakumi matanhatu nematatu-163 iri pakati pemakambani anotyora kodzero dzevanhu munyika.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu muSouth Africa ari kushora hurumende yenyika iyi nemashoko ayo ekuti vari kurwira kodzero dzezvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro ekushanda akasvika kwamvura yacheka makumbo zvidzingwe zvikatadza kuwana mamwe matsva mukupera kwegore.

Chizvarwa cheZimbabwe vari murimi, Amai Faustina Chitura, voshura mare mukutamba nevhu muSan Diego mudunhu reCalifornia muAmerica, uko vari kurima chibage, michero pamwe nemiriwo yekasiyanasiyana, kusanganisira yekumusha. Vari kuita zvose izvi vasingashandise mafotereza kana mishonga yekuuraya twumbuyu.

Muchirongwa cheLiveTalk Diaspora Forum na 8 pm nhasi, tiri kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nezvemashoko eSouth Africa ekuti haisi kuzodududza panyaya yekuti zvizvarwa zveZimbawe zvine magwaro eZimbabwe Exemption Permits zvidzoserwere kumusha. South Africa inoti masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kuipikisa ari kuda kupidigura hurumende.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG