Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Mana neVatanhatu (46) Vofa Vachiyedza Kupinda muAmerica Zvisiri paMutemo


Meya weguta reSan Antonio muTexas VaRon Nirenberg vanoti mitumbi yevanhu makumi mana nevatanhatu vange vakafa yawanikwa murori. Vanhu ava vanonzi vange vapinda muAmerica zvisiri pamutemo vachibva nekuMexico.

Vamwe vanhu gumi nevatanhatu kusanganisira vana vana vanonzi vaendeswa kuchipatara.

Kupisa kuri kuita kunze kuri kunzi kunogona kwakonzera kuti vanhu ava vatadze kufema zvakanaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG