Gweta raive nemukurumbira Doctor Alex Magaisa vakashaya kuBritain voradzikwa nhasi kumusha kwavo kuNjanja uko kwaungana vanhu vakawanda vachionekana navo.
Vagari vekuMasvingo voshushikana zvikuru nekukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kupondwa mudunhu iri.
Hurumende yodzika mutemo wechimbi chimbi kana kuti Statutory Instrument yekusimbaradza zvisungo zvakaturwa nezuro negurukota rezvemari nebhanga reRBZ kuyedza kudzikamisa hupfumi.
Kukwira kwemitengo yezvinhu pamwedzi nepagore kana kuti inflation, kunokwira zvakanyanya zvakare mumwedzi waChikumi, panguva iyo hurumende iri kumhanyamhanya kutura matanho akasiyanasiyana ainoti akanangana nekudzikamisa hupfumi hwenyika, uho huri kunzi nenyanzvi mune zvehupfumi hwananga kumawere.
Mamwe makereke nemasangano akazvimirira otarisirwa mangwana kuparura chirongwa chinonzi The Zimbabwe We Want Campaign icho hurumende iri kupomerwa mhosva yekushandisa mapurisa kudzivirira ichiti vanoda nhaurirano ngavaende kuPOLAD.
Muchirongwa chedu chevechidiki cheThe Connection na 8pm nhasi, Ntungamili Nkomo ari kutaura nevechidiki nezvemararamiro avari kuita apo vakawanda vari kuti hupfumi hwenyika hwananga kumawere.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave
Facebook Forum