Accessibility links

Breaking News

Matunhu emuAmerica Otanga Kudzika Mutemo weKurambidza Kubviswa kweNhumbu


Matunhu akawanda muAmerica ari kuenderera mberi achidzika mitemo inorambidza madzimai kubvisa pamuviri pavanenge vasingadi izvo zvakonzera kuratidzira vamwe vachitsigira danho iri vamwe vachiri shora.

Dare repamusoro reSupreme Court rakatura mutongo nemusi weChishanu wekubvisa mutemo wainge uripo unonzi Roe v Wade waipa madzimai kodzero yekubvisa pamuviri pavasingadi.

Dare repamusoro soro rakati zvave kumatunhu kuti aone kuti anoda kupa madzimai kodzero iyi here kana kuti kwete.

Matunhu mapfumbamwe akatorambidza zvachose kubvisa pamuviri kunyangwe jupenyu hwemwana kana mudzimai huri munjodzi.

Matunhu aya anoti Alabama, Arkansas, Kentucky, Louisiana, Missouri, Oklahoma, South Dakota, Utah ne Wisconsin.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachigara kuTexas muno muAmerica VaKennedy Masiye vaudza Studio 7 kuti mutemo uyu unogona kuomesera madzimai anenge ari munjodzi yekufa kana asina kubvisa nhumbu. Vati uku kutyora kodzero dzavo.

Asi vari kutsigitra kusabviswa kwenhumbu kunyanya vebato remaRepublicans nevamwe vemakereke vari kuti kubvisa nhumbu hakuna kusiyana nekuuraya.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG