Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Chikumi 27, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti Zimbabwe ichaenderera mberi ichishandisa dhora remunyika uye vachiti mutero pamafuta ekufambisa dzimotokari wabviswa.

Bhanga guru renyika reRBZ rowedzera mari inobhadharwa pamitero yezvikwereti kana kuti interest rate kubva pazvikamu makumi masere kubva muzana 80%, kusvika pazvikamu mazana maviri kubva muzana 200%. Izvi zvinoreva kuti vanoda kukwereta kumabhanga vanenge vobhadhariswa mutero wakakura.

Vaimbova gurukota rezvemukati menyika vari nhengo yebato reMDC-T VaGiles Mutsekwa vashaya.

Vanhu vokurudzirwa kupota vachienda kunovhenekwa navanachiremba kamwechete pagore kuitira kudzivirira kukomba kwezvirwere zvakaita sechegomarara remuropa.

MuAmerica maita kunetsana kunotyisa kubva dare repamusoro soro reSupreme Court zvarakabvisa mutemo unobvumidza madzimai kubvisa pamuviri

Muchirongwa chedu CheLiveTalk tiri kutarisa mashoko aturwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube naGavhuna weRBZ Doctor John Mangudya kuyedza kudzikamisa mitengo yezvinhu yoita chamurambamhuru.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG