Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoshorwa neVanorwira Kodzero dzeVanhu neKusunga Vanopikisa


Masangano anorwira kodzero dzevanhu nedzevashandi muAfrica nekunze ari kushora zvikuru hurumende yeZimbabwe achiipomera mhosva yekumbunyikidza kodzero dzevanhu ichishandisa matare nemapurisa pamberi pesarudzo dzegore rinouya. Izvi zviri kuuya ponguva iyo vashandi vari kuramwa mabasa nekuoma kwaita hupfumi. Asi hurumende inoti iri kuzorwa mafuta enguve yaisina kudya.

Munyori anoona nezvemagariro evanhu mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change Muzvare Maureen Kademaunga vanoti munyika maberekera ingwe zvichitevera kusungwa kwenhengo dzebato ravo dzakawanda kuNyatsime dzinosanganisira vamiriri vedare reparamende VaJob Sikhala naVaGodfrey Sithole.

Muzvare Kademaunga vati mutemo wemunyika unotarisa kuti wabuda mumba maani.

Mumwe akasungwa akandeswa kuChikurubi mutungamiri wesangano revadzidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure avo vari kupomerwa mhosva yekuponda yakamboraswa nedare mun 2016. Izvi zvinotevera kufa kwaVaRoy Issa vanonzi vakadonha mukamuri yechinomwe yeJameson Hotel muHarare.

Sangano guru revashandi muAmerica reAmerican Federation of Labour and Congress of Industrial Organisations ranyora tsamba yenyunyuto kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti VaMasarure vasungunurwe. Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu ashora kusungwa kwaVaMasaraure anosanganisira Amnesty International, neFront Line Defenders. Mutevedzeri wemutungamiri webato reARTUZ Muzvare Christine Kayumba vanoti vanotambira zviri kutaurwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu nekuti vari kuonawo sekuti VaMasaraure vari kumbunyikidzwa.

Vatiwo vakaenda kunoona VaMasaraure kuChikurubi vachiti havasi havo kunyaya kuzvidya moyo.

Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vati Zimbabwe inyika inoteverdzera mutemo uye vanotyora mutemo vanosungwa.

Tavabvunzawo kuti sei nhengo dzeZanu-PF dziri kupomerwa mhosva yekuita mhirizhonga kuNyatsime dzisina kusungwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nezvehupfumi dzinoti kusagadzikana munyaya dzezvehupfumi uye sarudzo dzegore rinouya zviri kupa kuti munyika musagadzikane.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG