Matambudziko eCaps United aramba kupera kunyange hazvo mhuri yechikwata ichi yakaita musangano hwekuedza kugadzirisa zvinhu .
Makepekepe yarohwa zvekare asi ikozvino neZPC Kariba 1-0 ndokuwedzera pamitambo mishanu yakateverana yavarohwa.
Chanyanyorwadza ndechekuti Makepekepe yarohwa nechibodzwa chabva kuna Newman Sianchali uyo vakadzinga.
Pamusoro pezvo, Darlington Dodo uyo vakadzinga zvekare ndiye mumwe we varairidzi veZPC Kariba.
Izvi zvauya zvekare mushure mekunge svondo rapera mhuri yechikwata ichi yakaita musangano wekuedza kupedza matambudziko ekuramba Caps ichingorohwa-rohwa.
Asi musangano uyu uri kuratidza kuti hauna chawakabura. Kurohwa uku, kwasiya Caps United yadzikira pasi kusvika pachinzvimbo chegumi nenhatu, ZPC Kariba ichikwira kuenda pachinzvimbo chegumi nembiri.
Caps United yave pazvikwata zvina zvatarisana nekuenda muDivision One. Makepekepe ichiri nemapoinzi gumi nemanomwe kubva mumitambo gumi nemisere, mapoinzi makumi maviri nerimwechete pasi peChicken Inn iyo irikutungamira gungano iri.
Chicken Inn iyo ine mapoinzi makumi matatu nemasere yakasimbisa hutungamiri hwayo nekudambura Tenax 4-1 nezuro.
Muongorori wemutambo wenhabvu VaFarai Kambamura vanoti Chicken Inn iyo ine vatambi vakaita saBrian Muza, Shepherd Mhlanga, Brett Amidu, Moses Jackson, Malvin Hwata na Clive Augusto, yakasimba zvekutora mukombe uyu zvekare.
Dynamos iyo yanga ichikwidza zvakasimba yasara nemapoinzi mana mushure mekurohwa 1-0 neYadah nezuro.
Asi FC Platinum iyo ine mukombe uyu yaramba yakasonana ne Chicken Inn mushure mekurova Tenax 2-0 kwaMutare.
FC Platinum yave nemapoinzi makumi matatu nemanomwe, poindi imwechete pasi peChicken Inn.
Mimwe mitambo yanhasi yasiya Highlanders yarova Black Rhinos 3-2, Triangle yaita mangange 2-2 ne Bulawayo Chiefs.
Asi nyaya kwese kwese ndeyekuti Caps United unopunyuka here nepayamira apa mitambo ichiita mishoma nemishoma.
Facebook Forum