Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waDoctor Alex Magaisa, Avo Vakashaikira kuBritain, Unosvika muNyika


Doctor Alex Magaisa
Doctor Alex Magaisa

Mutumbi wechizvarwa cheZimbabwe, Doctor Alex Magaisa, avo vakashaikira kuBritain, wasvika munyika uchitambirwa panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport nehama neshamwari kusanganisira mutungamiri webato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change, VaNelson Chamisa, mutewedzeri wavo, VaTendai Biti,, pamwe nevatsigiri vebato iri.

Mutumbi uyu watambirwa nekambani yerunyararo yeNyaradzo Funeral Home, iyo yauendesa kuimba yerunyararo muHarare.

Mhuri yekwaMagaisa yakazivisa kuti kune munamato wekuonekana navo neSvondo kunhandare yeHarare Show Grounds, uye vakatopiwa mvumo nemapurisa yekuungana.

Doctor Magaisa, avo vaidzidzisa zvemutemo paKent University kuBritain uye vakambove chipangamazano chevaive mutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, vakashaya musi wa 5 Chikumi mushure mekurwara nechirwere chemwoyo.

Vakashaya vave nemakore makumi mana nematanhatu ekuberekwa, uye zuva rekuradzikwa kwavo harisati raziviswa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG