Accessibility links

Breaking News

Makundano eNhabvu eCastle Lager PSL Odzoka Kubva kuZororo rePakati peMwaka


Castle Lager Premier Soccer League
Castle Lager Premier Soccer League

Makundano enhabvu eCastle Lager Premier Soccer ari kudzoka kubva kuzororo repakati pemwaka aine mitambo mikukutu kuzvikwata zviri kutungamira gungano iri.

Zvikwata zvinoti Chicken Inn, Dynamos, neFC Platinum zviri kudzoka kubva kuzororo repakati pemwaka zvichisangana nemitambo mikukutu muhondo yazvo yekurwira kutora mukombe we Castle Lager Premier Soccer League.

Chicken Inn ndiyo iri pamusoro petafura nemapoinzi makumi matatu nemashanu, poindi imwechete pamusoro peFC Platinum neDynamos, idzo dzakaenzana pamapoinzi makumi matatu nemana.

Zvikwata izvi zviri kusangana nezvikwata zviri pasi petafura izvo zviri kurwira hupenyu hazvo mumakundano aya asi zviine rombo rakanaka rekuti zviri pamusha mumitambo iyi.

Pazvikwata zviri kutungamira izvi, Chicken Inn neDynamos dziri kupinda munhandare mangwana, FC Platinum ichizotamba neSvondo apo iri kushanya kuSakubva Stadium kwaMutare kunosangana neTenax.

Asi maziso nenzeve zviri pamutambo weChicken Inn iyo ine Cranbourne Bullets kuSakubva Stadium, zuva rimwechetero, Dynamos iri kusangana neYadah muNational Sports Stadium.

Murairidzi weDynamos Tonderai Ndiraya ari kukumbira rutsigiro kuvateveri vechikwata chake kuti vavabatsire kuwedzera mamwe mapoinzi pane ayo avanawo pari zvino.

Manica Diamonds, iyo iri pachinhano chechina, ine mutambo wakaomawo zvekare apo iri kuenda kuAscot Stadium kunotamba neHwahwa.

Hwahwa, iyo iri kurwirawo hupenyu hwayo muPSL, hairoveke zvekutamba kana ichitambira pamusha.

Murairidzi wayo Luke Petros anoti chinangwa chavo kukanda zvibodzwa nekutora mapoinzi achavabatsira kubva pachinzvimbo pavari pari zvino.

Hwahwa ndiyo iri pasi pasi mugungano rezvikwata gumi nezvisere iri nemapoinzi gumi nemaviri chete kubva mumitambo gumi neminomwe.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi …..

Mugovera, Bulawayo City vs Ngezi Platinum - Barbourfields.

Nesvondo; Caps United vs ZPC Kariba -NSS, Highlanders vs Black Rhinos -Barbourfields neTriangle ichitamba neBulawayo Chiefs kuGibbo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG