Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopomerwa Mhosva yeKushandisa Vasori neMapurisa Kutyisidzira VanaChiremba neVakoti


Hurumende iri kupomerwa mhosva yekuvhundutsira vashandi vezvehutano vari kuratidzira ichishandisa mapurisa, vasori nevamwe izvo zvaita kuti vazhinji vavo vagare kudzimba vachitya kusungwa. Asi vari kuronga kuratidzira uku vanoti vachaendera

Vashandi vakaenda kunoratidzira kunzvimbo dzavanoshandira munyika nemusi weChina vange vari vashoma kana zvichienzaniswa nevaiuya pakatanga nyaya iyi.

Studio 7 yaudzwa kuti mapurisa, vasori vevamwe vakuru vakuru muzvipatara vange vari kutyityidzira vashandi muzvipatara zvakaita seChinhoyi General, Masvingo General, Chiredzi neParirentatwa Group of Hospitals muHarare.

VaEnock Dongo mutungamiriri werimwe sangano revakoti reZimbawe Nurses Association vanoti kuratidzira kuri kuenderea mberi kusvika zvichemo zvavo zvagadziriswa.

Asi mutauriri wemapurisa Assistance Commissioner Paul Nyati vaudza Studio 7 kuti wese anoda kuratidzira anofanira kutevedzera mutemo.

Nekuda kwaizvozvo vatungamiriri vevashandi vati vaoona zvakakodzera kuti vashandi varege kuungana munzvimbo dzavanoshandira asi vagare havo kumba.

Mutungamiriri werimwewo remasangano anomirira vakoti munyika reZimbawe Professional Nurses Association, VaRobert Chiduku, vaudza Studio 7 kuti havasi kuzodzokera kumashure kudzamara hurumende yavatambirisa nemari nemadhora ekuAmerica.

Vashandi ava vati kubvira musangano wemusi weMuvhuro hapana zvavati vanzwa kubva kuHealth Services Board yakaumbwa pamutemo kugadzirisa zvichemo zvavo.

Asi mukuru weHSB Dr Paulinas Sikhosana, vaudza Studio 7 kuti hapana kuratidzira kwakanyanya kunze kwenzvimbo dzakaita seMashonalanda West kuzvipatara zvakaita seChinhoyi nezvimwe zvipatara mudunhu reMidlands.

Vati paParirenyatwa ndipo pari kuratidzirwa zvikuru uye vati zvinhu zviri nani kuzvipatara zvekuBulawayo nemamwe matunhu.

Doctor Sikhosana vati nyaya yemihoro inobata munhu wese munyika uyee vari kutaura nehurumende.

Vati vanovimba kuti nyaya iyi ichagadziriswa nekukasika uyewo vati vashandi havasi kuda mihoro nemari yekuAmerica asi vanoda kupihwa mari yekubatsirikana nemari yekunze.

Asi vamiriri vevashandi muHealth Apex Council vanoti varikuda kuti mushandi wepasi pasi apihwe muhoro wemamazana masere nemakumi matanhatu emadhora eekuAmerica pamwedzi.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG