Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau yaNhasi, China, Chikumi 23, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanachiremba, vakoti nevarairidzi voenderera mberi nekuramwa mabasa asi vachiti vari kutyisidzirwa zvopa kuti vamwe vavo vadzokere kumabasa.

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition ranyora tsamba kusangano reFinancial Action Task Force (FATF) richiri koka kuti riuye kuzoongorora zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe inonzi yave kutyora chisungo chenyika dzepasi rino chekumisa nyika kushandiswa nevanopfurikidza mwero kuwana mari kana kuti money laundering kumbunyikidza masangano akazvimirira oga.

Mumashoko kuvatori venhau, gurukota rinoona nezvehutano muSouth Africa VaJoe Phaahla vazivisa nhasi kuti South Africa yave nemunhu abatwa nechirwere chemokeypox icho chiri kuparira pasi rose. Ko Zimbawe iri munjodzi here?

Zimbabwe Human Rights Commission yoparura gwaro rayo rakanangana nemamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzerunyararo kunyangwe mapurisa akamboedza kumisa hurongwa uhu.

Muchirongwa cheWomen’s Round Table na8pm nhasi, tiri kutarisa matambudziko ari kusangana nemadzimai munyika nenyaya yekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehutano zvichitevera kuramwa mabasa kwevakoti, vanachiremba nevarairidzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG