Accessibility links

Breaking News

Operation Dudula Yoramba Ichishungurudza Zvizvarwa Zvedzimwe Nyika dzemuAfrica


Mukuru weOperation Dudula Nhlanhla" Lux" Dlamini
Mukuru weOperation Dudula Nhlanhla" Lux" Dlamini

Zvinhu hazvichisina kugadzikana zvekare muSouth Africa umo chikwata cheoperation dudula chisingadi kuti zvizvarwa zvedzimwe nyika dzemuafrica zvishande munyika iyi chave kuti chiri kuda kunoratidzira papark station mujohanesburg kuti zvizvarwa zveZimbabwe nedzimwe nyika zviripo zvidzingwe.

Nhengo dzeOperation Dudula dzave kufamba dzichivhara misika ine zvizvarwa zvekune dzimwe nyika ichipa nzvimbo zvizvarwa zveSouth Africa.

Asi zvinonzi kubatana kwakaita bato rinopikisa reef nezvizvarwa zveZimbabwe, Nigeria nedzimwe nyika kwemuAfrica kwakapa kuti vasabviswe neveOperation Dudula pamusika weYeoville unotengesa zvekudya kubva kune dzimwe nyika dzemuAfrica.

Izvi zviri kuuya apo vanotyaira maroti munyika iyi vari kutiwo vekunze vadzingwe.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa nemakurukota avo vakavimbisa havo kuchengetedza zvizvarwa zvekune dzimwe nyika izvi.

Asi mukuru weZimbabwe Exiles Forum VaGabriel Shumba vaudza Studio 7 kuti vari kushushikana nekushungurudzwa kwezvizvarwa zveZimbabwe nezvimwe zvemuAfrica zviri munyika iyi zviri kushanda zviri pamutemo uye zvimwe zviri muhupoteri.

VaShumba vatiwo kutsvaga hupoteri muSouth Africa kunonetsa nekuti zvinotora nguva yakareba uye vamwe vashandi vachida chiokomuhomwe.

Vamwe vari muhupoteri muSouth Africa vakaudza United Nations kuti vave kuda kuendeswa kune dzimwe nyika nenyaya yemhirizhonga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG