Accessibility links

Breaking News

Belgium Yodzora kuDRC Zino Chete raVaLumumba


VOA60 Africa - Belgium Returns Lumumba’s Remains to Family
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:00 0:00

VOA60 Africa - Belgium Returns Lumumba’s Remains to Family

Zino revaive mutungamiri wehurumende yeCongo vakapondwa VaPatrice Lumumba riri rapihea nhasi kumhuri yavo. Zino iri rakabviswa pavakaurayiwa nepfuti ndokukandwa mumuchetura kuti mutumbi wavo ubva wanyungudika zvachose.

Mapurisa ekuBelgium Gerard Soete, nemukoma wake ndivo vakauraya VaLumumba. Soete akange akachengeta zino raVaLumumba rakange rakashongedzwa negoridhe iro akazotenda kupa mhuri yake.

VaLumumba anova mutungamiri wehurumende wekutanga weCongo muna 1960 aidiwa zvakanyanya nevanhu venyika iyi asi ainge ari makara asionane nenyika dzekumawirira neAmerica.

Congo yainge yakapambwa neBelsgium. Pakutora mhiko muna 1960, VaLumumba vakashora zvikuru Belgium nekuponda vanhu venyika yavo uye kumbunyikidzwa kwavaiitwa izvo zvisina kufadza mambo vekuBelgium, King Bauduin avo vaivepo pamhemberero idzi.

VaLumumba vakatungamira nyika kwemwedzi isingazvike gore hurumende yavo isati yapidigurwa naColonel Joseph Mobutu

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG