Accessibility links

Breaking News

Vanachiremba neVakoti Vosangana paParirenyatwa Kuti Vatange Kuramwa Mabasa


Masangano makumi maviri nematatu anomirira vashandi vemuzvipatara ari pasi pesangano guru rinonzi Zimbabwe Health Apex Council ari kutarisirwa kuungana magwana pachipatara cheParirenyatwa muHarare apo ari kuti atange kuramwa mabasa nenyaya yemihoro.

Vari kuramnwa abasa vanosanganisira vanachiremba, vakoti, vanovheneka mabhonzo nevamwe vose. Vashandi ava, avo vari kutambiriswa mari nemadhora emuZimbabwe vanoti haichatenge chinhu sezvo iri kushaya simba.

Vachitaura mudare reparamende svondo rapera, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakavimbisa kuwedzera vashandi mari asi vakati havasi kuzovabhadhara nemadhoa emunyika vachiti vari kuzvinzwisisa kuti zvinhu zvave kudhura.

Hatisati Tawana mhinduro kubva kunasachigaro wesangano reHealth Services Board Dr Paulinus Sikosana sezvo mubvunzo watakarumira svondo rapera nezvekuwedzera vashandi mari usati wapindurwa.

Mutungamiri wesangano revakoti VaEnoch Dongo vanoti vashandi vanoda kubhadharwa nemadhora ekuAmerica nekuti remunyika riri kuamba irchishaya simba uku zvinhu zvose zvichiwedzerwa mutengo.

Hurukuro naVaEnoch Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG