Accessibility links

Breaking News

Madzibaba veShanduko Vanoti Pane Vayedza Kupamba Mwana Wavo kuGuruve


Madzibaba veShanduko
Madzibaba veShanduko

Mutsigiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaGodfrey Karembera vanozivikanwa nezita rekuti Madzibaba Shanduko vanoti pane vanhu vauya kumba kwavo kuGuruve, Mashonaland Central vakayedza kupamba mwana wavo.

Madzibaba veShanduko vaudza Studio 7 kuti zvose zviri kuda kuitwa izvi zvakanangana nekuda kuvashungurudza nezvenyaya dzezvematongerwo enyika.

Hurukuro naMadzibaba veShanduko
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Madzibaba veShanduko vakamborohwawo zvakaipisisa kukamba yemapurisa yeHrarare Central vachipomerwa mhosva yekuita musarinya mushure mekunge vambopomberwa mhosva yekuti vaida kubvisa musoro wechiuumbwa chaAmbuya Nehanda muHarare asi nyaya yacho ikazoregedzwa kuturikwa kumatare nemapurisa. Vari kuramba mhosva yavakapomerwa iyi.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi ravo.

Asi vatsigiri vebato reCCC vanoti munyika maberekera ingwe sezvo vari kushungurudzwa zvakanyanya vamwe vachipondwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG