Accessibility links

Breaking News

Varimi veFodya Vochema-chema neKusawaniswa Nhondo dzeMiti yeMipuranga Kunyange Vari Kubhadhariswa Mutero weAfforestation Levy neHurumende


Munda wemiti yemipuranga. varimi vefodya vari kukurudzirwa kudyara miti iyi kuitira kurerutsa dambudziko rekutemwa kwemiti pakuomesa fodya.
Munda wemiti yemipuranga. varimi vefodya vari kukurudzirwa kudyara miti iyi kuitira kurerutsa dambudziko rekutemwa kwemiti pakuomesa fodya.

Vamwe varimi vefodya mudunhu reMashonaland West vanoti vari kutadza kuwana nhondo dzemiti yemipuranga yekutimbikira kuti vawane miti yekuzopisisa fodya yavanenge varima kunyange vachibatirwa mari yemutero wekumutsiridza masangano, kana kuti afforestation levy nehurumende gore regarega.

Mumwe murimi wefodya uyo ari kushaya miti yekutimbikira kubva kuForestry Commission ndiVaThomas Nhokwara avo vanorima vari kuHurungwe.

VaNhokwara, avo vanoti vanobatirwa mari yemutero wemari yekutenga miti yekuzotimbikira, iyo inobhadhariswa varimi vefodya pagore regarega pavanotengesa fodya, vanoti havasi kuona zviri kushandiswa mari iyi.

VaNhokwara vanoti miti iyi vanoida sezvo ichivayamurawo kuita mamwe mabasa akafanana nekuvaka matanga emombe kana kupfiririsa dzimba.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe murimi wekuMhangura VaThomas Chaita.

Mukuru wekambani inoona nezvekutengeswa kwefodya munyika yeTobacco Industry and Marketing Board-TIMB, VaMeanwell Gudu, vanoti mari dzemitero yevarimi vefodya dzinoshandiswa nebazi reForestry Commission.

Mukuru weForestry Commission mudunhu reMashonaland West, Amai Mavis
Radzire, vanoti dunhu ravo rakawana miti inosvika mazana mashanu ezviuru kana kuti 500 000 pamiriyoni yarinofanirwa kunge richiwana iyo yakasimwa nevarimi vefodya gore rino pasi pechirongwa cheTobacco Wood Energy Program, icho chinowana mari kubva pamitero yevarimi, asi vanoti pane vamwe vanobatsirawo vakazvimiririra.

Amai Radzire vanoti miti iyi haikwane sezvo vachitarisira miti inosvika mamiriyoni maviri.

Vanoti dzimwe nguva havapihwe mari yechirongwa ichi vachiti dzimwe nguva painouya ino nonoka.

Patabvunza kuti mari yemitero inobatirwa varimi vefodya yakawanda zvakadii pagore uye inoshandiswa sei sezvo varimi vari kushaya miti yacho, mukuru weZimbabwe Tobacco Association -ZTA, VaRodney Ambrose, vanoti pagore murimi wega wega anobatirwa zviga makumi manomwe nezvishanu kubva muzana, kana kuti 0.75 percent zvemari yaanenge awana kubva mukutengeswa kwefodya yake yose.

Vanoti mari iyi yose yakaunganidzwa inosvika kumadhora ekuAmerica mamiriyoni mana nechidimu kana kuti US$4.5 million.

VaAmbrose vanoti vanoendesa mari iyi kuhomwe yenyika iyo inozoendesa kuForestry Commission kwaisiri kuzobva sezvakabvumiranwa.

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Intergrated Commercial Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti chave kunetsa panyaya iyi ndechekuti ivo sevamiriri vevarimi havachashevedzwa kumisangano ine chekuita nemari dzemitero idzi.

Hatina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube kana munyori mukuru mubazi iri VaGeorge Guvamatanga sezvo vanga vasingadavire mbozhanhare dzavo uye havana kupindura mibvunzo yatavatumira padandemutande reWhatsApp..

Kunyange paine mutemo unomanikidza murimi wefodya kuti ave nemiti yekupisa fodya panzvimbo yakakura zviga zvitatu zvehekiteya kana kuti 0.3 hectare pahekiteya imwechete yefodya, izvi hazvisi kuitika.

Dzimwe nyanzvi dzezvekurimwa kwefodya dzinoti vanotenga fodya vanokwanisa kuyamura kuti murimi wese ave nemiti yekupisa fodya nekusatenga fodya kumurimi asina miti yekupisa fodya sezvinoitwa kune dzimwe nyika.

Varimi vanokurudzirwa kudyara miti yavo yekupisisa fodya kana vakohwa senzira yekuti vasaparande masango.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG