Accessibility links

Breaking News

Musoro weNhau, Chishanu Chikumi 17, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Murume wekupomerwa mhosva yekuponda Muzvare Moreblessing, Ali, Pius Jamba, omiswa pamberi pedare, panguva iyo mutevedzeri wasachigaro veCitizens Coalition for Change uye vari mumiriri weZengeza West muparamende VaJob Sikhala, mumiriri weChitungwiza North, VaGodfrey Sithole pamwe nemutungamiri weAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure vari kutarisirwa kudzoka zvakare mumatare.

Kunyange hazvo nyika ine mitemo nemapazi akasiyana-siyana anobatsira kurwisa huwori, izvi hazvina kukwana mukurwisa huwori uhu nekuti chinhu chikuru chinodiwa ndechekuti vanhu vave nemafungiro pamwe nemaitiro matsva pakurwisa huwori uhu.

Nhengo dzeparamende dziri pasi pesangano reAfrican Parliamentary Network Against Corruption dzinoita musangano wekuzeya mamiriro akaita zvinhu munyaya dzekurwisa huwori.

Makurukota anoona nezvekusimudzirwa kwemadzimai munyika dziri mudunhu riri kuchamhembe kweAfrica reSADC oshushikana zvikuru nekukwira kwenyaya dzebongozozo mudzimba kana kuti gender-based violence.

Vamwe varimi vefodya mudunhu reMashonaland West vanoti vari kutadza
kuwana nhondo dzemiti yemipuranga yekutimbikira kuti vawane miti
yekuzopisisa fodya yavanenge varima kunyange vachibatirwa mari
yemutero wekumutsiridza masangano, kana kuti afforestation levy
nehurumende gore regarega.

Vanoronga makundano eZimbabwe Open golf tournament vari kukurudzira kuti mutambo wegorofu udzidziswe kana kutambwa muzvikoro kuedza kupedza matambudziko ekushaikwa kwevatambi vemuno vane tarenda rakasimba.

Muchirongwa chedu che Livetalk, nhasi tiri kuita hurukuro nevanoongorora zvematongerwo enyika tichitarisa mhirizngonga mune zvematongerwo enyika uye kuti zvingagadziriswa sei?

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Ltudio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am, 4930, 13860, ne 15460 kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175 ne 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG