Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China, Chikumi 16, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Bato reCitizens Coalition for Change rinoti imwe nhengo yaro VaEdison Chinembiri vakapondwa nemusi weChipiri kuChitungwiza.

Mapurisa anoti asunga Pius Jamba uyo ari kupomerwa mhosva yekuponda nhengo yeCitizens Coalition for Change Muzvare Moreblessing Ali.

Mumiriri weZengeza West Mudare reparamende VaJob Sikhala vanova gweta raMuzvare Moreblessing Ali uye mumiri weChitungwiza North VaGodfrey Sithole vese vari vebato reCitizens Coalition for Change vomiswa pamberi pedare muHarare vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga parufu rwaMuzvare Ali kuNyatsime. Vaviri ava vari kuramba mhosva iyi.

Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ VaObert Masaraure vomiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuponda yakamboraswa nedare muna 2016.

Masangano akawanda oenderera mberi nekurwira vana veZimbabwe vari kushanda muSouth Africa nemagwaro osvika kumagumo eZimbabwe Exemption Permit kuti vawedzerwe mamwe makore ekugara zviri pamutemo.

Nhasi Zimbawe yabatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva remwana wemuAfrica kana kuti Day of the African Child. Izvi zvinotevera kuratidzira kwakaitwa nevana vechikoro muSoweto vachipikisa hutongi hwehudzvanyiriri kana kuti apartheid.

Vezvematongerwo enyika vozeya mhirizhonga yezvematongerwo enyika yakasimuka munyika zvichitevera kupondwa kwaMuzvare Moreblessing Ali, kusungwa kwenhengo dzeCitizens' Coalition for Change, uye kuti vanoona sei sarudzo dzegore rinouya?

Muchirongwa chedu chemadzimai cheWomens’ Roundtable na8 pm tine hurukuro nezvenyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika iri kuitika munyika pamberi pesarudzo dzemuna 2023.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG