Accessibility links

Breaking News

Munyori weMbahuku eVana, Gogo Kachidza-Mapfumo, Vogutsikana neRutsigiro Rwavari Kuwana muKuparura Bhuku Ravo "A Trip To Zimbabwe With Gogo"


Zimbabwean-born Canada-based writter Spiwe Kachidza-Mapfumo
Zimbabwean-born Canada-based writter Spiwe Kachidza-Mapfumo

Vana vekuEdmonton kuCanada mukupera kwesvondo vakave nerwendo rwakavafadza chose rwekuenda kuZimbabwe uko vakatenderera nenyika vachishanyira nzvimbo dzekutandarira dzine mukurumbira, dzinosanganisira Victoria Falls neHwange vachiona mapopoma nemhuka.

Vana ava vakazoendawo kumisha iri kumaruwa eChiweshe neMutoko vachiona zvipfuwo zvinosanganisira mombe nembudzi uye kusangana nevamwe vana vezera ravo, pamwe nekudya chikafu chavasati vambodya muhupenyu hwavo hwose nekudzidza hupenyu hutsva hunonakidza.

Zvose izvi zvakaitika mukati mezuva rimwechete kuburikidza nekuverengerwa kwavakaita bhuku revana rinotaura pamusoro pezvinonakidza zviri muZimbabwe rinonzi “A Trip to Zimbabwe With Gogo,” rakanyorwa naGogo Spiwe Kachidza-Mapfumo.

Gogo Kachidza-Mapfumo vaiverengera vana nevabereki vavo bhuku ravo pahurongwa hwavo hwekuparura nekushambadza bhuku ravo iri hwavakaita vakabatana nesangano reBlack Literacy Code.

Vanoti vane hurongwawo hwekuendawo kuAmerica, London neZimbabwe vachiparura bhuku ravo revana iri munguva inotevera.

“A Trip to Zimbabwe With Gogo” ibhuku revana rinowanikwa padandemutande reAmazon.

Gogo Kachidza-Mapfumo vanoti vanotenda nerutsigiro rwavakawana uye kubuda kwakaita vanhu vakaenda kunonzwa nekutenga bhuku iri.

Vanotiwo vane hurongwa hwekunyora mamwe mabhuku evana senzira yekuti vana vari kuberekerwa nekukurira kunze kwenyika vasanyanye kurasikirwa nerunak rwenyika yeZimbabwe, urwo vanogonawo kunoona kuburikidza nekushanyako.

Hurukuro naGogo Spiwe Kachidza-Mapfumo
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG