Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Chikumi 08, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vatsigiri veZanu-PF vopomerwa mhosva yekudzinga pamusha mhuri yenhengo yeCitizens Coalition for Change Muzvare Moreblessing Ali avo vakawanikwa vakapondwa kuNyatsime Chitungwiza.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi votaura neStudio 7 zviri kuitwa nemapurisa kutsvaga vanofungidzirwa kuti vakaponda Muzvare Moreblessing Ali.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vokurudzira vezvematongerwo enyika nemasangano akazvimirira oga kuti vashande murunyararo. Asi vanopikisa vanoti bato ravo reZanu-PF nemapazi ehurumende akaita semapurisa nevasori ndiwo ari kukonzera kusagadzikana munyika.

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva revanehusope kana kuti World Albinism Day.

Muchirongwa cheLiveTalk na8 pm tiri kutarisa nyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika mushure mekupondwa kwenhengo mbiri dzebato reCCC, Muzvare Moreblessing Ali uye VaLangelile Dube.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG