Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZanu-PF Vokonzera Nyonga Nyonga paRufu rwaMuzvare Moreblessing Ali


Muzvare moreblessing Ali

Mashoko atiri kutambira kubva kuNyatsime, Chitungwiza anoti vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu vaenda pamusha pari kuchemerwa Muzvare Moreblessing Ali vanova nhengo yebato reCitizens Coalition for Change ndokutanga kukonzera nyoga nyonga.

Kanzura weZanu-PF wenzvimbo iyi ari pamavhidhiyo ari kutenderera pamadandemutande achitenda kuti haasi kuda kuti vatsigiri vebato reCitizens Coalition for Change vacheme mumwe wavo vakapfeka hanzu dzebato iri achiti hurongwa uhu hunofanira kutungamirwa nemachechi kana kuti vorega kumuchema munzvimbo yavanoti ndeyeZanu-PF.

Gweta rakasarudzwa nemhuri yaMuzvare Moreblessing, VaJob Sikhala vanomirira Zengeza mudare reparamende vari mutevedzeri wasachigaro webato weCCC vaudza Studio 7 kuti vachaona kuti Muzvare Moreblessing vachemerwa pamusha pavo.

Vashora zvikuru vatsigiri veZanu-PF nekuda kukonzera mhirizhonga. VaSikhala vatiwo mhuri iri kudawo kuti mutumbi wemufi uri kuChitungwiza Hospital unyatsovhenekwa nenyanzvi kuona zvakanyatsoitika pakupondwa kwavakaitwa.

Hatina kukwanisa kubata nhengo dzeZanu-PF dzanzi dzaenda kunokonzera mhirizhonga parufu sezvo nharembozha dzatapihwa dzange dzisiri kudairwa. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathu vange vasiri kudairawo nharembozha yavo.

Asi vachipawo pfungwa dzavo, mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vashora veCCC vachiti vave kuda kuita zvematongerwo enyika parufu rwusineyi nezvemapato.

Vati hapana humbowo hwekuti Muzvare Moreblessing vaive nhengo CCC zvinova zvarambwa nevanopikisa. Pakaurayiwa imwwe nhengo yeCCC kuKwekwe vaMbonisi Ncube, bato reZanu-PF rakambodawo kuramba kuti haisi nhengo yeCCC kunyangwe vainge vari pamusangano webato iri pavakazourayiwa.

Mumashoko kuvatori venhau, mapurisa akazivisa nezuro kuti mutumbi wakawanikwa naAmai Linnah Mukandi, vanova Amai VaPius Jamba ari kutsvagwa nemapurisa uye akapedzisira kuonekwa aina Muzvare Moreblessing musi wa 24 mwedzi wapera pavakatsakatika.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG