Accessibility links

Breaking News

Chikwata neMutambo weNhabvu yeMaoko, Netball, Chinoenda kuMalawi kuMakundano eCOSANA


Chikwata chenyika chemutambo webhora remaoko, netball.

Chikwata cheZimbabwe chemutambo webhora remaoko kana kuti netball, chemaGems, chasvika kuMalawi kumakundano eCosana asi chisina kaputeni wacho Felistus Kwangwa.

Chikwata ichi chasvika muBlantyre chisina kaputeni wacho Felistus
Kwangwa uyo atadza kuenda kumakundano aya sezvo ari kugadzirisa
chibvumirano chake chebasa nechikwata chake che Surrey Storm icho
chinotamba muEnglish Super League.

Asi murairidzi wavo, Ropafadzo Mutsauki, apa hutungamiri hwevatambi
kunaClaris Kwaramba mumakundano ayo vari kusangana neNamibia neMalawi.

Makundano aya ari kutarisirwa kubuditsa mutambo webhora remaoko we netball wemhando yepamusorosoro sezvo Malawi iri pachinzvimbo chechinomwe pasi rese,
Zimbabwe iri pachinhanho chegumi nenhatu, Namibia isiriwo kure kure
pachinzvimbo chemakumi maviri nembiri.

Mutsauki aumba chikwata chinosanganisira vamwe vatambi vakaenda ku2019
World Cup kuEngland vakaita sa Ursula Ndlovu, Kwaramba, naPaida
Chinoza, nevatsva vanosanganisira Nicole Muzanenhamo, Chipo Soko,
Progress Moyo, Sharleen Makusha, naTafadzwa Matura.

Mutsauki anoti pese panoitika shanduka panobuda zvitsva zvekuti
ari kutarisira moto chaiwo kubva kuchikwata chake.

Anoti ari kufara nemabataniro akaita maGems zvekuti ari kutarisira kuti
vanobuda zvakanaka mumakwikwi aya.

Kunze kwemukombe nemari inotambidzwa anokunda, Zimbabwe iri kushandisa
makundano aya zvekare kugadzirira makwikwi ema2023 World Cup
Qualifiers, ayo achaitirwa muSouth Africa musi wa 20 kusvika 25
Nyamavhuvhu.

Zimbabwe iri kuvhura makundano eCosana Tri-Nations aya nemutambo
neMalawi neSvondo.

Vakadzoka kubva kumaMalawi, vatambi veZimbabwe vachashanya kuEngland kumitambo yekuedzana masimba nezvikwata zveko muManchester kubva musi wa 17
kusvika 24 Chikunguru.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG