Accessibility links

Breaking News

VeMakereke Vakasungwa muHarare Vachida kuNamatira Nyika Vanomiswa Mudare Vachipomerwa Mhosva yeKuita Zvisina Maturo


Vamwe vemakereke vakasungwa neChishanu muHarare vachiperekedzwa kudare nemapurisa neMugovera.
Vamwe vemakereke vakasungwa neChishanu muHarare vachiperekedzwa kudare nemapurisa neMugovera.

Vedzisvondo gumi pavanhu makumi matatu nevana vakasungwa nezuro muHarare vachida kunamatira matambudziko akatarisana nenyika vamiswa pamberi pedare nhasi vachipomerwa mhosva yekuita zvisina maturo, uye vapihwa mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo.

Vasungwa gumi ava vanova madzimai mana nevarume vatanhatu, vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuita zvinhu zvisina maturo kana kuti ”disorderly conduct” pavakaungana vachida kunamatira nyika pachirongwa chaitungamirwa nesangano reZimbabwe Devine Destiny chiri kudaidzwa kuti “The Zimbabwe We Want Campaign.”

Muchuchisi wenyaya iyi, VaMoses Mapanga, havana kupikisa chikumbiro chasvitswa kudare nerimwe remagweta evasungwa ava, VaKossam Ncube, chekuti vasungwa ava vatongwe vachibva kudzimba dzavo. VaMapanga vati hurumende haina zvikonzero zvinogutsa zvekuti vasungwa ava vatongwe vachibva kujeri.

Nokudaro, mutongi wedare, Amai Yeukai Dzuda, vati vasungwa ava vabhadhare zviuru zvishanu zvemadhora ari mumari yemunyika yema RTGS pamunhu wega-wega semari yechibatiso, vagare pakero dzavakanyoresa kumapurisa, vasavhiringidzane nevafakazi uye vagodzoka kudare musi wa24 mwedzi uno.

Rimwe remagweta ari kumirira vasungwa ava uye vachishanda nesangano remagweta anorwira lodestone dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaPaidamoyo Saurombe, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare.

VaSaurombe vati vamwe vanhu makumi maviri nevana vakasungwa pamwechete negumi vamiswa mudare nhasi ava vabhadhariswa mari dzemafaindi nemapurisa asi gumi ava varamba vachiti havana mhosva yavakapara.

Vanhu ava vakasungwa mushure mekuungana kwavakazoita pamahofisi esangano reZimbabwe Devine Destiny zvichitevera kurambidzwa kwavakanga vaitwa nemapurisa kuungana pachechi yeDutch Reformed Church in Zimbabwe iri pakati peguta reHarare vachida kunamatira matambudziko akatarisana nenyika.

Masangano anoshanda akazvimirira pamwe nemapato anopikisa vakashora kusungwa kwevedzisvondo ava vachiti hurumende inofanira kukoshesa kodzero dzevedzisvondo dzekunamata zvitendero zvavo vakasununguka. Vakatiwo kusungwa kwevanhu ava kunoratidza kuti munyika hamuna hutongi hwejekerere uye zvinoratidzawo kuti nzira yekuenda kusarudzo dzegore rinouya izere neminzwa.

Asi bato reZanu PF rakati kuparurwa kwaida kuitwa hurongwa hwe The Zimbabwe We Want uhwu kwakanga kusineyi nekunamata asi vedzisvondo ava vakange vopindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Nyaya ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG