Accessibility links

Breaking News

Mbavha dzeChibage Dzoshaisa Varimi Mufaro kuMashonaland West


Kubiwa kwechibage chichiri mumunda kwave kupa kuti vamwe varimi vaomesere chibage chavo pamba.
Kubiwa kwechibage chichiri mumunda kwave kupa kuti vamwe varimi vaomesere chibage chavo pamba.

Vamwe varimi vanoti vari kubirwa chibage chavo chichiri muminda izvo zvave kuvamanikidza kukohwa chibage chavo chichiri chinyoro, zvinove
zvichakanganisa kutengwa kwechibage chavo kuGrain Marketing Board-GMB.

Varimi ava vanoti chibage chavo chishoma chavari kutarisira kukohwa
chiri kubiwa nembavha, zvikuru nguva dzemanheru.

Vanoti nekuda kwekubirwa uku vave kumanikidzwa kukohwa chibage ichi
chisati chanyatsooma izvo zvave kuvapa dambudziko rekuomesa chibage
chavo chave pamba vasati vachitengesa kana kugaisa.

Mumwe murimi anoti ari kubirwa ndiVaObert Nganiwa
vanorima vari kuMakonde.

VaNganiwa vanoti vakabirwa makirogiramu anosvika mazana masere
paongororo yakaitwa nanamudhumeni.

VaNganiwa vanoti chinofadza ndechekuti vakabata dzimwe mbavha
dzaivabira zvekuti vave kudziendesa kumatare edzimhosva kuti varipwe.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe murimi wekwaZvimba VaLangton Jaricha.

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Intergrated
Commercial Farmers Union, Amai Maiwepi Jiti, vanoti nyaya yekubirwa
kwemurimi yakagara iripo asi iko zvino zvanyanya nekuda kwehupfumi
hwenyika husina kumira zvakanaka.

Vanoti dambudziko iri rakakonzerwawo nekushaikwa kwewaya
dzinopoteredza minda zvekuti vanhu vanongopinda muminda yevanhu
neposepose.

Amai Jiti vanoti kana paine waya kana ruzhowa munhu anokwanisa
kusungiswa kuti ari kupinda panzvimbo yakachengetedzwa asina mvumo
kana kuti trespassing.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Amai Magaret Chitove,
vanoti havana huwandu hwevanhu vakabatwa kusvika pari zvino asi vanoti
pane nyaya dzine chitsama dzekubiwa kwechibage muminda dzakaendeswa kumatare edzimhosva.

Varimi vanoti hachisi chibage chete chavari kubirwa asi vari kubirwawo zvipfuwo
zvakaita semombe, mbudzi nemakwai.

Nyaya ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG