Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeMasvingo Yobhadharira Chirongwa chaAmai Mnangagwa DSTV Vagari Vasina Mvura


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo Amai Auxillia Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo Amai Auxillia Mnangagwa

Vamwe vagari vemudhoroba reMasvingo vari kutosvorana nekanzuru yavo iyo yavanoti iri kushandisa mari dzemitero yavo zvisiri izvo ichifadza vezvematongerwe asi guta rakatarisana nematambudziko akaita sekushaikwa kwemvura yakachena pamwe nekutakurwa kwemarara.

Izvi zvinotevera mashoko akaburitswa mumusangano wekanzuru wekupera kwemwedzi wapera ekuti kanzuru inotiwo yakabharira mari inosvika mazana maviri kana kuti 200 US Dollas kuti itenge zvirongwa zveDSTV pachirongwa chemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxillia Mnangagwa.


Mumwe mugari wekuRunyararo West, VaFrancis Tangire vanoti mari yakabhadharirwa chirongwa chaamai Mnangagwa, yaigona kutenga dhiziri anogona kutakura marara kwemazuva akawanda sezvo kanzuru iri kutatarika kuita basa iri.

Kanzuru yakashandisa mari inopfuura zviuru mazana matatu emari yemunyika kana kuti ZW$300 000 kuita musangano wekudya kwemasikati chete negurukota reMasvingo, VaEzra Chadzamira kana kuti interactive lunch.

Vamwe vanoti uku kutambiswa kwemari dzavo dzemitero idzo dzaifanira kushandiswa kuitisa mabasa ekuchenesa mvura iyo inonzi yakasvibiswa nemasuweji ari kudirwa murwizi rweShakashe rinodeurira mvura mudhamu reMtirikwi rinopa guta mvura.

Izvi zvatsinhirwa nevanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomiririra vagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance kana kuti MURRA, Muzvare Rumbidzai Magurupira.

Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke vaudza Studio 7 kuti zvirongwa izvi zvakaitwa kanzuru isati yaita zvisungo nekudaro mabharani wekunzaru ndiye anokwanisa kunyatsotsanangura.

Asi mabharani weKanzuru, VaEdward Mukaratirwa, vange vasingadairi
nhare yavo kana kupindura mibvunzo yavatumirwa neStudio 7.

Zvichakadaro, vagari vemuBikita vari kupomerawo kanzuru yavo mhosva yekuita huori vachiti yakacheresa zvibhorani zvitatu nemari yakawandisa inosvika zviuru makakumi matatu nezvitanhatu zvemari yekuAmerica, US$36 000, izvo zvaifana kuita mari isingapfuuri zviuru zvitanhatu US$6000.

Mukuru musangano rinomirira vagari reBikita Residents and Rate Payers Assocition(BIRRA) , VaMark Mutengani vapomera kanzuru mhosva yekuita zvehuori.

Vati chibhorani chimwe chakacherwa nemari inopfuura zvuuru zvipfumbamwe zvemadhora ekuAmerica nekambani yePote Holdings drilling.

VaMutengani vati vanhuwo zvavo vakazviendera kukambani iyi kuti vachererwe zvibhorani pamisha yavo vari kubhadhariswa mari isingapfuuri zviuru zviviri zvemadhora ekuAmerica.

Vanoti izvi zvakabudawo mumaminetsi emusangano wekanzuru yeBikita zvikavarwadza sevagari avo vanoti vakatarisana nematambudziko akawanda kunyanya kushomekwa kwemvura.

Vagari vanoti dai pasina kuitwa huori mari yakashandiswa pazvibhorani zvitatu yaigona kuchera zvibhorani gumi nezvisere. Mukuru webasa mukanzuru yeBikita, VaPeter Chibhi vange vasingadairi nhare yeStudio 7 kana kupindura mibvunzo yavatumirwa.

Asi sachigaro wekanzuru yeBikita kanzura Benjamin Masakadze vati kucherwa kwezvibhroani kwakatambirwa nezvisungo zvekanzuru asi vati havana

Asi vamwe vanochera zvibhorani vaudzawo Studio 7 kuti kubhadharwa kwemari dzekuchera zvibhorani kwakasiyana mitengo pachitariswa kuti gomba racherwa rakadzika zvakadii, mufambo kuenda kunzvimbo inenge ichicherwa uye mapombi anoshandiswa ane mutengo wakasiyana zvikuru.

Asi vagari vanoti makanzuru mumatunhu akawanda haasi kushandisa mari dzavo dzavanobhadhara mitero zviripachena nekudaro mabasa haazofambi zvakanaka.

Nyaya Ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG