Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau weZimLive Mduduzi Mathuthu Opomerwa Mhosva Yekuzvidza VaMnangagwa


Mupepeti mukuru webepanhau repadandemutande reZimlive, Mduduzi Mathuthu azvipira kumapurisa ange achimutsvaga kwenguva yakareba.

Mathuthu apomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa achinzi ainge anyora padandemutande reTwiiter kuti vainge vakadhakwa pavakadaidzwa kuState House kuzoparura kunyika mitemo ine chekuita nezvekusimbisa dhora remunyika apo vakarambidza mabhanga kukweretesa mari.

Mathuhu ari kupomerwa mhosva yekutyora mutem weCriminal Law Codification and Reform Act. Mathuthu ange achitsvagwa nemapurisa ainge asina hembe dzebasa uye motokari yainge isina manumber pureti.

Vaimbova mukuru wesangano revatori venhau remisa zimbabwe VaRashweat Mukundu vaudza Studio 7 kuti kusungwa kwaMathuthu kunoratidza kuti vatori venhau vachiri kumbunyikidzwa munyika.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanomboti havo vatori venhau vakasungunuka uye vari kuvandudza mitemo ine chekuita nebasa ravanoita.

Asi VaMukundu vanoti muromo hauzarirwe nerwizi sezvo hurumende isiri kuratidza kuzvipira kuti vatori venhau vashande vakasungunuka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG