Zimbabwe Peace Project yokurudzira dare reparamende neSADC kuti vatange kuita hurukuro dzekuona kuti mhirizhonga yezvematongerwo enyika yatotanga hairambi ichienderera mberi zvinozokanganisa sarudzo dzegore rinouya.
Zimbabwe inonzi iri pakati penyika gumi muAfrica dzakanzi neWorld Bank dzine zvizvarwa zviri kunze zvakatumira mari yakawanda muna 2021.
Mutori wenhau webepanhau repadandemutande reZimlive, Mduduzi Mathuthu azvipira kumapurisa ange achimutsvaga kwenguva yakareba.
Mutauriri wemhuri yaDoctor Alex Magaisa avo vakashaya nemusi weSvondo mangwanani ku Britain, VaGift Kugara vaburitsa mashoko ekuti hapasati pave nehurongwa hwekuchengetwa kwavo apo vakawanda vari kuenderera mberi nekuvachema.
Botswana yobvumidza vanhu kuti vashandise magwaro edzimwe nyika kana kuti dual citizenship.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu nedanho remapazi ehurumende rekutara mitengo nechikero chemari yekuAmerica. Tichataurawo nezvemabasa akabatwa negweta, Doctor Alex Magaisa avo vakashaya nezuro kuBritain.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum