Dynamos yadambura Caps United 3-0 mumutambo weHarare Derby asi ndokutadza kuenda pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League.
Dyamos yaratidza kuti ndiyo shasha yenhabvu muHarare mushure mekudambura vavakidzani vavo veCaps United 3-0 muNational Sports Stadium nhasi masikati.
Zvibodzwa zvabva kuna Issa Phiri, Ralph Kawondera naFrank Makarati zvapa Dynamos kukunda zvine mutsindo pamwe nekutora mapoinzi matatu akakosha murwendo rwavo rwekurwira mukombe weligi.
Murairidzi weDynamos Tonderai Ndiraya anoti arikufara nekukunda uku achiwedzera iye kuti vatambi vake vakaramba vachitamba zvakadai.
Asi kukunda uku kwatadza kukwidza Dynamos pamusoro petafura mushure mekunge Chicken Inn yarovawo Triangle 1-0 muGibbo Stadium.
Ndiraya anoti vakunda havo asi hondo ichiripo kusvika vatora mukombe.
Chicken Inn iri pamusoro nemapoinzi makumi matatu nemashanu, poindi imwechete pamusoro peDynamos.
Uyu wanga uri mutambo wekutanga weHarare derby kubvira muna 2019 apo Caps United yakakunda 1-0.
Aimbove murairidzi we Masvingo United Makanyire Mugova Benjamin vanoti Caps United yarohwa asi yatamba zviri nani pane zvayanga ichimboita.
Murairidzi mutsva weHighlanders Baltmena De Oliveiro Brito abudirira mumutambo wake wekutanga kuRufaro apo chikwata chake charova Harare City 1-0. Mune mumwe matambo, Hwahwa yakunda Ngezi Platinum Stars 1-0.
Manica Diamonds yave pachinzvimbo chechina yaswetuka Triangle nekurova Tenax 1-0.
Makundano eCastle Lager Premier Soccer League arikuenda kuzororo yemasvondo maviri yepakati pemwaka kutanga nhasi.
Vachienda kuzororo zvikwata zvina zviri pamusoro-soro ndeizvi …
Chicken Inn. 35 points
Dynamos. 34 points
FC Platinum. 31 points
Manica Diamonds 29 points
Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi …
Cranbourne Bullets. 16 points
ZPC Kariba. 15 points
Bulawayo City. 12 points
Hwahwa. 12 points
Mitambo iyi ichadzoka musi wa 25 Chikumi.
Facebook Forum