Accessibility links

Breaking News

PTUZ Yoronga Kutumira Magwaro eNyunyuto kuHurumende, Bazi reDzidzo nekuZIMSEC Pamusoro peMari dzeBvunzo Dzakaziviswa Svondo Rino


Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou.
Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou.

Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti riri mushishi kunyora gwaro renyunyuto pamusoro pemari dzakaziviswa neZIMSEC kuti dzichabharwa gore rino nevari kunyora bvunzo dze Grade 7, Ordinary level ne Advanced Level.

Mutungmiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti gwaro ravo iri vacharisvitsa kuhurumende, kubazi redzidzo yepasi pamwe nekuZIMSEC vachida kuti patarisiswe mari dziri kunzi dzibhadharwe idzi, idzo dzakaziviswa dziri mumadhora ekuAmerica, kunyange hazvo dzichinzi dzibhadharwe nemari yemunyika.

VaZhou vanoti zvakare nguva yemazuva manomwe chete kubva musi wa 22 kusvika musi 29 Chikunguru yakatarwa kuti ibhadharwe mari idzi iduku zvikuru.

Vanotiwo kudawo kuti vanenge vakundikana kuunganidza dzimari idzi munguva pfupi iyi vapiwe mukana wekunyoresa vachibhadhara kunyange hazvo mazuva akatarwa aya apfuura.

Hurumende yakati ichabhadhara chimwe chikamu chemari yebvunzo iyi, vana vechikoro vachizobhadharawo inenge yasara.

Mutauriri weZimsec, Muzvare Nicky Dlamini, vati vachazivisa vezvikoro kuti imarii ichabhadharwa nevabereki vachishandisa interbank rate zvichienderana nekuti vari kunyora bvunzo vari muGrade 7 here Form 4 kana kuti Form 6.

Hurukuro naVaTakavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG