Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanovhura zviri pamutemo musangano wezvemigodhi uri kuitirwa kuVictoria Falls vachikurudzira kuti zvicherwa zvinotengeswa kunze zvitange zvakwenenzverwa kuitira kuti zvitengwe nemitengo iri pamusoro.
Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, vanoti chibvumirano chakaitwa pakati pekanzuru yeHarare neimwe kambani pamusoro pekuraswa kwemarara kuPomona chiri kuzoenderera mberi kunze kwekunge chamiswa nematare edzimhosva, vachiti zviri kuitwa nekanzuru yeHarare zvekuedza kumisa chibvumirano ichi zvinongononotsa chete basa asi kwete kurimisa.
Kanzuru yeChitungwiza inoti kushomeka kwemabhini nemotokari dzinotakura kuri kukanganisa kutakurwa kwemarara mudhorobha iri panguva iyo vagari vedhorobha iri vaungana paMakoni kuti vachenese nzvimbo iyi panguva iyo mutungamiri wenyika vaendesa chirongwa chekuchenesa nzvimbo kumaruwa ekwaSeke.
Sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, roronga kutumira magwaro enyunyuto kuhurumende, bazi redzidzo yepasi pamwe neZIMSEC richinyunyuta nemari dzebvunzo dzegore rino idzo dzakatarwa nemari yekunze kunyange hazvo mari idzi dzichizobhadharwa nema RTGS zvichienderana nehuremu hwedhora rekuAmerica pamusika wemari..
Vagari veku Hlabiso mudunhu re Chimanimani East vofara nekuwaniswa zvikwanisiro zvehutsanana pamwe nekirinika mudunhu mavo, izvo zvicharerutsa dambudziko ravo rekufamba mitunhu yareba kunosvaga rubatsiro.
Mutambo we “Harare Derby” pakati peCaps United neDynamos, uyo waive nemukurumbira, uriko neSvondo asi pasina manyukunyuku ekare.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00pm nhasi tichange tichitarisa nezvekurarama kuri kuita vanhu munyika mukati mematambudziko akasiyanasiyana, anosanganisira kukwira kwemitengo yezvinhu.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 AM, 4930, 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 AM, 6175 ne 7255 Short Wave.
Facebook Forum