Accessibility links

Breaking News

Zimsec Yoshorwa neKuisa Mari yeBvunzo paChikero cheDhora rekuAmerica


ZimSec Chinhoyi Exams4.jpg

Vashandi vehurumende pamwe nevabereki vane vana vari kunyora bvunzo vanoti havasi kufara nedanho ratorwa nebhodhi rinoona nezvebvunzo reZimbabwe Schools Examinations Council rekutara mari dzebvunzo nemari yekunze kunyange hazvo mari idzi dzichizobhadharwa nema RTGS zvichienderana nehuremu hwedhora rekuAmerica pamusika wemari.

Bhodhi rinoona nezvebvunzo munyika reZimbabwe Schools Examinations Council kana kuti Zimsec, rakazivisa nezuro kuti vachanyora bvunzo dzeGrade 7, O Level pamwe neA Level gore rino vachabhadhara mari dzinenge dzakaringana nehuremu hwedhora rekuAmerica pamusika wemari panguva yavachabhadhara mari dzekunyora bvunzo idzi.

Asi vamwe vabereki vane vana vari kunyora bvunzo vakaita saVaNesbert Mupatsi, vati danho ratorwa neZimsec richaita kuti vabereki vazhinji vakundikane kubhadhara mari idzi sezvo vachiti maRTGS ari kuramba achishaya simba pamusika wemari. VaMupatsi vati nguva yavasara nayo yekuti vaunganidze mari yebvunzo idzi ishoma zvikuru pakatariswa kuti Zimsec yati vabereki vabhadhare mari idzi kubva musi wa22 Chikunguru kusvika musi wa29 Chikunguru.

Murongi wemisangano mune rimwe remasangano anomirira vashandi vehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions uye vachishanda zvakare nesangano revarairidzi reZimbabwe National Educators Union, VaCharles Chinosengwa, vati hurumende inofanira kubhadhara vashandi vayo mari dzemihoro dzinokwana kuti vagobhadharira vana vavo mari dzebvunzo idzi.

Izvi zvatsnhirwa nemutungamiri wesanganio revadzidzisi vekumaruwa VaObert Masaraure, avo vati vana vakawanda vakatadza kunyora bvunzo gore rapera nekuda kwekudhura koita dzidzo munyika. VaMasaraure vakurudzira hurumende kuti itore matanho ekuona kuti kodzero dzevana dzekuti vawane dzidzo dzachengetedzwa.

Gurukota rinoona nezvevashandi VaPaul Mavhima vanga vasiri kudaira nharembozha yavo uye mutauriri webazi redzidzo VaTaungana Ndoro vati titaure neZimsec.

Mutauriri weZimsec, Muzvare Nicky Dlamini, vati vachazivisa vezvikoro kuti imarii ichabhadharwa nevabereki vachishandisa interbank rate zvichienderana nekuti vari kunyora bvunzo vari muGrade 7 here Form 4 kana kuti Form 6.

Muzvare Dhlamini vatiwo vezvikoro havasi kuzobvumirwa kutambira mari dzebvunzo iri mari yekunze:

Zimsec inotiwo hurumende ichabhadhara zvikamu makumi mashanu nezvishanu kubva muzana zvemari dzebvunzo dzevana vari muzvikoro zvehurumende vabereki vozobhadhara mari inenge yasara yacho. Vana vanodzidza muzvikoro vanenge vachizobhadhara mari yose pasina ichabhadharwa nehurumende.

Ongororo yakaitwa nesangano reFriedrich Naumann Foundation yakaratidza kuti gore rapera vana vanoda kusvika miriyoni imwe chete vakasiira chikoro panzira nekuda kwehurombo hwaunzwa nechirwere cheCovid-19.

Kudhura kwemari yechikoro kunonzi kuchatopa kuti vakawanda vatadze kupedza chikoro.

Nyaya Ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG