Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China, Chikumi, 01, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Misiro yenhau, Chitatu, Chikumi, 01, 2022

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti hurumende ichatora matanho kuona kuti mari dziri kupihwa vanhu zvichinzi nyika inovakwa nevana vayo haipedzisire dzaenda kunotengeswa pamukoto. Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti muromo hauzarirwe nerwizi.

Sangano reCommunity Water Alliance roendesa tsamba yenyunyuto kudare reparamende nekanzuru yeHarare kuti vamise chibvumiramo chakaitwa nekanzuru yeHarare nekambani yeGeogenix kunorasirwa marara kuPomona.

Vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika nezuro vamwe mazana matatu nevashanu vachibatwa nechirwere ichi.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vanenge vari munyarikani pamusangano weChamber of Mines Zimbabwe uri kutanga kuVictoria Falls mangwana wakanangana nekusimudzira mabasa ezvicherwa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kunze kwenyika zvinoshanda mabasa ekubairwa zvitupa mumakambani agara aripo kare kana kuti mamwe achiri kutanga, asi vachipinzwa basa. Asi kune chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuEdmonton mudunhu reAlberta ku Canada, VaKennedy Bumhira, ivo ndivo vari kutobaira vamwe zvitupa vachivapinza mabasa.

Muchirongwa chanhasi cheDiaspora Forum na8pm, tiri kutarisa nyaya yekodzero yevari kunze kwenyika yekuvhota mushure mekung mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vati vapihwewo mukana uyu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG