Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri, Chivabvu, 31, 2022


Madzimai erudzi rwechiChangani kuChambuta mudunhu reChiredzi ari kuchema-chema kuti vanofamba nzendo refu dzinosvika makiromita makumi matanhatu kuenda kuchipatara kunosungunuka.

Mutongi wedare repamusoro VaJoseph Mafusire vati meya weHararare VaJacob Mafume vakambomiswa basa kanokwana kana negurukota rezvematunhu VaJuly Moyo vadzokere pabasa.

Nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nevemabhizimusi votarisa kana mutemo wakadzikwa nehurumende masvondo maviri wekubvumidzwa kwevanhu vane mari dzekunze kupinza zvinhu zvekushandisa zuva nezuva pamwe nezvekudya munyika senzira yekudzikamisa mitengo yezvinhu wave kuratidza michero.

Vamiriri vevashandi vanoti hofisi inoona nezvemafambisirwo ehurumende kana dare reparamende vaongorore huori hunonzi huri kuitika kuNational Social Security Authority.

Muchirongwa chedu cheThe Connection chatinotaura nevechidiki, tine hurukuro nevechidiki kubva kumapato akasiyana siyana nenyaya yemhirizhonga zvichitevera kurohwa kunonzi kwakaitwa vamwe vechidiki vebato reCCC nevanofungidzirwa kuti ndevechidiki veZanu-PF.

Muchirongwa chedu cheWomen’s Roundtable na 8pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekuti vanasikana vasati vasvika makore gumi nemasere vasanzi vabvuma kuita zvepabonde kana kuroodzwa. Tichataurawo nezvemabasa ari kuitwa nemadzimai kuzvisimudzira nekusimudzira vamwe kunyangwe zvinhu zvakaoma munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG