Bato reCitizens Coalition for Change rinoti mapurisa anofanira kupindira kutsvaga nhengo yaro Muzvare Moreblessing Ali vanofungidzirwa kuti vakapambwa nenhengo dzeZanu-PF kuNyatsime, Chitungwiza mazuva matanhatu adarika.
Hurumende inoti yatanga kuferefeta huori hunonzi huri kuitika kukambani yeNational Social Security Authority asi vashandi vanoti zvinoshamisa kuti zvave kuitika ikozvino vapedza makore vachigunun'una.
Muchirongwa chedu chezvehutano, tiri kutarisa zvakadzama nyaya yechirwere chemonkeypox chapararira munyika dzinodarika makumi maviri nenhatu.
Unied Nations yoshanda nevatori venhau muZimbabwe kusimudzira kunyorwa kwenyaya dzebudiriro.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa mhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika uye nyaya yenhengo yeCitizens Coalition for Change inonzi yakapambwa nevanofngidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF kuChitungwiza.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave
Facebook Forum