Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China, Chivabvu, 26, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanoshanda nekanzuru yeHarare votadza kurasa marara kuPomona zvichitevera chibvumirano chakonzera mutaura chiri kusungira kanzuru kuti ibhadhare mari inosvika mamiriyoni mazana matatu US300 million kukambani yeGeogenix BV iyo iri kuda kubhadharwawo zviuru makumi maviri nemaviri pazuva kana kuti US$22 00 kana poraswa marara.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vopeta musangano kuWorld Economic Forum kuSwitzerland vachisangana nezvizvarwa zveZimbabwe izvo vakavimbisa kuti zvichatenderwa kuvhota zviri kunze kenyika. Asi vamwe vanoti muromo hauzarirwe nerwizi.

Zimbabwe yopeta musangano nenyika dzemuAfrica, China neJapan wakanangana nekukurudzira kuti nyanga dzenzou dzibvumidzwe kutengeswa.

Sadunhu Vheremu, VaLevison Chikutu vekuChilonga kuChiredzi, avo vari kurwira kodzero dzevagari vemunzvimbo yavo kuti vasabviswe pavhu remadzitateguru avo richipihwa kukambani yeDendairy inoda kurima sora remombe vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuda kukurudzira kupandukira hurumende.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuTexas muAmerica Muzvare Zoe Chirenda vanove mwana wevaive murwiri werusungunuko vobatsira vanasikana kumaruwa nezvekushandisa pavanenge vachitevera kana kuti masanitary pads.

Muchirongwa chedu cheWomen’s Roundtable na 8pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekuti vanasikana vasati vasvika makore gumi nemasere vasanzi vabvuma kuita zvepabonde kana kuroodzwa. Tichataurawo nezvemabasa ari kuitwa nemadzimai kuzvisimudzira nekusimudzira vamwe kunyangwe zvinhu zvakaoma munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG