WASHINGTON —
Sangano rinomirira vanogaya upfu, reGrain Millers’ Association of Zimbabwe, (GMAZ) rinoti nyika ichatenga chibage chinosvika matani zviuru mazana mana (400 000 metric tonnes) kubva kuMalawi neZambia, sezvo nyika iine goho rakaderera mwaka uno nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka.
Mutungamiri wesangano iri VaTafadzwa Musarara vakazivisa kuburikidza negwaro kuvatori venhau vachitiwo nyika inotarisira kutanga kuwana chibage ichi mukupera kwemwedzi unouya waChivabvu.
Hurumende inoti iri kutarisira kuwana matani 1.56 million mwaka uno, zvichienzaniswa nematani 2.72 million akawanikwa kwaka wapera.
Zimbabwe inonzi inoda matani 2.2 million echibage pagore kuti ikwanise kuwanisa chikaffu kuvanhu nezvipfuwo.
Facebook Forum