Accessibility links

Breaking News

Hurongwa hweKutarwa kweMatunhu Pamberi peSarudzo dza 2022 Hwotarisirwa kuParurwa Musi wa 01 Chikumi


Sachigaro veZEC Amai Priscilla Chigumba

Vanorwira kuti munyika muve nesarudzo dzakachena vanoti vanotambira chirongwa chekutarwa kwematunhu pamberi pesarudzo dzegore rinouya chakaziviswa neZimbabwe Electoral Commssion, ZEC, nemusi weChipiri, vachiti vanotarisira kuti chirongwa ichi chichaitwa zviri pachena.

Sachigaro veZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Priscilla Chigumba, vakazivisa kuburikidza nechiziviso chakaburitswa mumapepanhau, vachiti chirongwa ichi chichatanga musi wa 01 Chikumi unove mwedzi unouya, chichipera musi wa 31 Zvita gore rino.

Amai Chigumba vakazivisawo kuti gwaro revavhoti richashandiswa mukutara matunhu richavharwa musi wa 30 mwedzi uno.

Vakatiwo panopetwa chirongwa ichi panozoburitswa gwaro rine matunhu anenge atarwa iro rinozoendeswa kumutngamiri wenyika.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinoongorora mafambisirwo esarudzo munyika, reElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vanoti hurongwa hwekuchekwa kwematunhu uhwu hwakanga hwatogara hwave kumashure.

Hurukuro naVaSolomon Bobosibunu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG